MAONERO EDU: Makunakuna: Vanhu nyarai

SVONDO rino tine imwe nyaya yemakunakuna inonzi yakaitika kuMhondoro iri pamusoro pemumwe mukadzi akazviuraya mushure mekunge abatikidzwa achishinha natezvara vake – baba vemurume wake.

Muroora tasa abatikidzwa aina tezvara

Kingstone Mapupu MUKADZI wechidiki wemubhuku raChitauro, kwaNyamweda, kuMhondoro, anonzi akakurirwa nenyadzi ndokunwa muchetura akafa apo akawanikidzwa achishinha natezvara vake musango remiti yemapuranga reko.

Mapurisa otsvaga kamwana ‘kekutorwa nechamupupuri’

Kingstone Mapupu MAPURISA ekuMashonaland East Province vanoti vachiri kutsvaga mwana ane makore matatu ekuzvarwa uyo ava nechipo chemwedzi mitatu atsakatika papurazi reRosyline Pattison, kwaMuda, kuBeatrice apo nonzi akatorwa nechamupupuri achitamba…

tb isingadavire kumishonga

Muchaneta Chimuka ZIMBABWE iri kuita mabasa makukutu ekurwisa chirwere cherurindi asi dambudziko redenda iri riri kuramba richikura zvichitevera kudyidzana kwariri kuita neutachiona hweHIV nechirwere cheAID necheshuga izvo zvinoita kuti rinonoke…

gomana roba mabhurugwa amhamha

Kingstone Mapupu MWANAKOMANA uyu anoshura amai vake bedzi! Kuvabira mabhurugwa avo avanopfeka? Murume atova saimba wekuGlen Forest, muHarare, uyu ashamisa veruzhinji veko mushure mekuba zvipfeko zvemukati zvipfumbamwe (9) zvaamai vake…

Mutambo wesoftball worongwa

Abel Ndooka SANGANO reZimbabwe Softball Association rinoti riri kuronga mutambo weZimbabwe Tertiary Institutes Men and Ladies Softball Tournament uyo uchaona zvikwata zvemuno zvichikwikwidzana nezvekunyika yeBotswana.

Howa hune dovi

MUNGUVA ino yekunaya kwemvura, kunowanikwa mhando dzakasiyana dzehowa dzinosanganisira nhedzi, tsvuke-tsvuke kana kuti firifiti, dindindi, tsuhuri nehuvhe.

Makandiwa anodiwa muminda

Kingstone Mapupu VARIMI vokurudzirwa kuona kuti minda yavo ine makandiwa kana kuti madhunduru sezvo akakosha zvikuru mukubata mvura inonaya nekuiwanisa mwenzva wekufamba nayo kuti isaparadze zvirimwa pamwe nekudzivirira gukuravhu.

Opemha mari yekuyunivhesiti

Lizzy Mushoriwa MUSIKANA ane makore 20 okuberekwa wekuDoma, kuMhangura, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kuenderera mberi nechikoro kuyunivhesiti zvichitevera kupasa kwaakaita zvidzidzo zvake zveA-Level asi ndokuzoshairwa mari.

Ndamirira Khan: Brook. . . ‘Ndofunga munhu wese anoda kuona mutambo uyu uchiitika’

KELL Brook anoti agadzirira kurwa naAmir Khan mushure mekukunda Segey Rabchenko mumutambo wake wechipiri adzoka mutsiva kuSheffield.

×