‘Ndiwe honzeri, unoonesesa’

Gamuchirai Muzanenhamu
MUMWE murume akaendesa muramu wake kudare achiti ari kukonzeresa bopoto mukugarisana kwavo nekupindira munyaya dzemumusha wake.

Alwin Nkomo akadhonzera Maggie Chaipa kuHarare Civil Court achiti havasi kugarisana zvakanaka.

“Ari kukonzera kusawirirana nekuda kwekutaurisa kwake achipindira munyaya dzemumusha zvekuti haana kana mumwe chete waanowirirana naye. Anozviona semunhu anoziva zvese,” anodaro.

Anoti Chaipa anotuka pamwe nekurova muzukuru wake.

“Anorova mwana zvekuti haachagone muchikoro asi aitombova shasha zvese zvakapera nekuti ava kutya,” anodaro Nkomo.

Chaipa anoramba zvose zvaari kupomerwa.

“Muzukuru wavo wavari kuti ndairova handina kumbobvira ndamurova, ndakatoona kuti mwana aishungurudzwa, ndipo pandakati regai ndibvunze mitauro ichibva yatanga,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Nkomo gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *