Kanzura akapa mabhuku

Lovemore Kadzura ari kwaRUSAPE Kanzura wewadhi 12 kuMakoni Rural District Council, ku-        Headlands, akatsvaga mabhuku ekuverenga 80 000 ayo akagoverwa kuzvikoro 17 zvepuraimari nesekondari zviri muwadhi iyi.

Mwana akafa abatwa nemagetsi

Kingstone Mapupu Mukomana ane makore 15 okuberekwa wekwaJuru, kuMashonaland East, anonzi akafa nguva pfupi yadarika mushure mekubatwa netambo dzemagetsi idzo dzaive pasi.

Kusabhadhara chikwereti . . .vanhu 7 vakaitwa makudo nen’anga

Kingstone Mapupu Vanhu vanomwe vemhuri imwe chete yekuTete, kumuganho weZimbabwe neMozambique vanonzi vakaita svondo rose vari makudo — makuru nemaduku — mushure mekunge mashandisirwa mishonga nen’anga yekuRushinga zvichitevera gakava ravainge…

Muridzi wechipfuyo pfacha . . .jaya ‘richichata’ nenguruve hadzi

Kingstone Mapupu Apo ruzhinji rwevanhu vaive mushishi kupemberera vachimirira kupinda mugore idzva ra2018, mukomana jaya wemubhuku raChandavengerwa, kwaSadunhu Chikosha, kwaMusana, ainge ari mushishi kupanana rudo “nechibayamoyo” chake – nguruve hadzi…

Anobhinywa nezvidhoma ‘zvidhafu-dhafu’

Kingstone Mapupu Mukomana wechidiki anoshanda papurazi reGallow Way Estates, kuMvurwi, anoti aona ndondo nekubatwa chibharo nevakadzi vatatu “zvidhafu-dhafu” avo vaanoti vanouya kwaari vasina kupfeka, ozongovashaya kana vachinge vapedza naye.

Mota ‘inotaura’ yakazochipiswa . . . . ‘Yakanyaradzwa’ nembavha . . . . Yanzwa nekubiwa mapatsi

Muchaneta Chimuka Motokari yerudzi rweMitsubishi Pajero – iyo yava nemwedzi yakasiiwa mumugwagwa mumusha weHopley, muHarare, uye yakambobuda munhau ichinzi iri kutaura nekudzemura mbama vanhu vanenge vaibata – yazochepeswa nembavha zvichitevera…

St John’s High iNo. 1

Malven Mugadzikwa Chikoro cheSt John’s High School Emerald Hill icho chiri muHarare nguva pfupi yadarika chakahwinha mukombe mukuru mumakwikwi ekurodza pfungwa dzevana ekwizi (quiz), eThabo Mbeki Legacy Trophy, kuSouth Africa.…

Hokoyo nemanyoka!

Muchaneta Chimuka Sangano rinosusukidza kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinoyambira veruzhinji kuti vangwarire zvirwere zvemanyoka, zvikuru munguva ino yeZhizha apo kuine michero yakaita semango nemazhanje.

Zvirimwa zvotsva nezuva

Kingstone Mapupu Dambudziko rekusanaya kwemvura kumatunhu akawanda enyika rokonzera kusvava kwezvirimwa zvizhinji, zvimwe zvacho zvave kutosvika pakuda kuoma izvo zvave kutyirwa kuti kungangova nenzara munyika.

MAONERO EDU: Zvitoro musade mari zvakadaro

Mitengo yezvinhu zvakasiyana zvinosanganisira zvekudya, mayunifomu evana vechikoro nezvimwe iri kungokwira zvisina tsarukano uye pasina chikonzero chaicho. Izvi zviri kuita kuti veruzhinji vaomerwe — kunyanya panguva ino apo upfumi hwenyika…

×