Muporofita: Nhengo yangu inokuponesa

Muchaneta Chimuka Muporofita wechechi yeJohanne Masowe weChishanu Nyenyedzi Nomwe akamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts achipomerwa mhosva yekubata chibharo mudzimai waainamatira pakirawa yake iri kuBudiriro 4, muHarare. Dare rakaudzwa kuti muporofita…

CAF yoripisa Zim . . . Hre City ndiyo muparanzvongo

Abel Ndooka Sangano reConfederation of African Football (CAF) rakaripisa Harare City mari inosvika $3 000 zvichitevera kutadza kwakaita chikwata ichi kuti chikwikwidze mumutambo weCaf Confederations Cup. CAF munguva pfupi yadarika…

Fall armyworm yorongerwa

Muchaneta Chimuka Chikamu chinoona nezvekuchengetedzwa kwezvirimwa chePlant Protection Research Institute (PPRI) – icho chiri pasi pebazi rezvekurima – chinoti chakatanga chirongwa chekudzidzisa madhumeni kuti abatsirane nevarimi mukucherechedza pamwe nekudzivirira makonye…

‘Usanyebe, handiyo mari yaunotambira’

Lizzy Mushoriwa Mudzimai wekuendesa murume akamumitisa kudare redzimhosva achida mari yekuchengeta mwana wavo akadya marasha achipomera samusha ava kuti vainge vaburitsa payslip yemanyepo seumboo hwekuratidza mari yavanotambira pamwedzi. Margret Mapindu…

Madora anonaka, ane utano

Madora kudya kunonaka uye kuchivaka muviri. Kana uine madora parwendo, usakanganwe kutakura kachigubhu kemvura yekunwira-nwira kuti zviendeke.

Zvechikoro zvakakwira mitengo

Muchaneta Chimuka naGamuchirai Muzanenhamu Rakanga riri besanwa svondo rino muzvitoro zvinotengesa mbatya nemidziyo yechikoro muguta reHarare apo vabereki nevana vaigadzirira kuvhurwa kwezvikoro Chipiri chino. Kwayedza yakaita ongororo muzvitoro zvikuru zvinotengesa…

Moto ooneswa moto

Gamuchirai Muzanenhamu Mudzimai wekuti ari kugara achioneswa ndondo nemumwe mukadzi uyo anomurova, achimudzura vhudzi mumusoro achimupomera kuti anodanana nemurume wake akazopotera kudare redzimhosva.

Bhinzi: ‘Nyama yemugadheni’

Aaron Chipatiso Kukambani yePrime Seed Co tine mhando dzebhinzi dzakasiyana dzinonyanya kudyiwa dzakaoma (sugar beans) nedzinodyiwa dzichiri nyoro (greenbeans). Binzi dzakanakira utano sezvo dziine zvatingati zvidhinha zvinovaka muviri. Binzi dzinorimwa…

Maneja akabhinya murwere wepfungwa

Muchaneta Chimuka Maneja wevashandi (human resources manager) pakambani yeHunyani Holdings anonzi akabata chibharo mumwe mukadzi anorwara nepfungwa pazororo reKirisimasi. Thembelihle Brian Ncube (47) akamiswa pamberi pamutongi Rumbidzai Mugwagwa uye ari…

Akatyorerwa gumbo redhiyo yemubhawa

Muchaneta Chimuka Kudzima redhiyo yairira mumhanzi mune rimwe bhawa riri mumusha weRugare, muHarare, kwakazoita kuti mumwe mukadzi atyoke gumbo apo akasairirwa nemumwe murume zvichitevera botso rakamutswa nemaitiro ake.

×