Mwana akafa abatwa nemagetsi

Kingstone Mapupu
Mukomana ane makore 15 okuberekwa wekwaJuru, kuMashonaland East, anonzi akafa nguva pfupi yadarika mushure mekubatwa netambo dzemagetsi idzo dzaive pasi.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East Province, Inspector Nobert Muzondo, vanoti tsaona iyi yakaitika mubhuku raMusangate apo Laston Zisengwe akabatwa nemagetsi ndokufa. Muchakabvu uyu anonzi aitinha mombe pamwe chete naTinashe Zisengwe (10) vachibva kumafuro apo vakanosvika paive netambo dzemagetsi dzaiva pasi. Tambo idzi dzinonzi dzinobatanidza magetsi ekwaJuru neMutoko.

“Mombe dzavaitinha vana ava dzakadarika zvakanaka nepatambo idzi ivo vachitevera mushure. Tinashe akayambukawo zvakanaka apo Laston akasvika achibatwa nemagetsi achibva afira ipapo,” vanodaro Insp Muzondo.

Tinashe anonzi aona kuti mumwe wake aiva abatwa nemagetsi, akazomhanyira kumusha uko akanozivisa vechikuru avo vakazoenda panzvimbo iyi vakawana mutumbi wemwana uyu uripo.

“Isu semapurisa, tinoti vanhu ngavasatamba netambo dzemagetsi kunyangwe dzakarara pasi kana dzakarembera. Tinoona vamwe, kunyanya munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva, vachidhonza magetsi vachiisa mudzimba dzavo sedzehuswa idzo dzinokwanisa kubata moto nyore. Tikaona tambo dzemagetsi dzakarara pasi ngatinyenyeredzei kunyangwe tikaenda nekure tinenge tichichengetedza upenyu hwedu,” vanodaro Insp Muzondo.

Vashandi vekambani yeZesa Holdings vekwaMutoko vanonzi vakazoziviswa nezvetsaona iyi, mutumbi wemwana uyu ndokuzotakurwa ukanovigwa. “Senenguva ino yekunaya kwemvura, mapango emagetsi anodonha tambo dzowira pasi. Saka ngatingwarirei kurasikirwa neupenyu nekuda kwekubatwa nemagetsi.

“Mwana uyu aidawo kurarama sevamwe asi nekuda kwetsaona iyi, akarasikirwa neupenyu,” vanodaro Insp Muzondo.

Vanoyambirawo makororo anoba tambo dzemagetsi nematransformer vachiti havabudirire mumabasa avo aya sezvo vachizongosungwa nemapurisa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *