Maticha tinemi: Mavima…Tinonzwisisa nhuna dzenyu’

Muchaneta Chimuka GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti vane tarisiro yekuti matambudziko kana kuti zvichemo zvevarairidzi zvinge zvichitariswa senzira yekusimudzira mashandiro avo.

Oramba kuchengeta mwana . . .‘Inini wacho nditori panguva yakaoma’

Lizzy Mushoriwa VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe murume akati anokwanisa kubvisa $10 pamwedzi semari yekuchengeta mwana wake achiti upenyu hwakamuomera zvekuti ari kurarama nekudya nhoko dzezvironda.

‘Mishonga haidi kusanganiswa’

Muchaneta Chimuka VARWERE vanenge vachitora mishonga yechivanhu kana miteuro yavanenge vapihwa kumapiorofita nekumachechi vari kukurudzirwa kuti vadure izvi apo vanoenda kuzvipatara senzira yekudzivirira kuwandisa kwemishonga mumuviri izvo zvinogona kukanganisa utano…

Varimi vanoda dhibhi

Kingstone Mapupu VAGARI vekwaChimushonga kwaMambo Chiswiti kuMt Darwin, kuMashonaland Central Province, ochemera kuvakirwa dhibhi vachiti rimwe chete rinowanikwa munzvimbo iyi riri kure zvikuru uyewo rinowandirwa zvekuti varimi havakwanise kudhibhisa mombe…

Musashandise fetireza: N’anga‘. . . midzimu inotsamwa’

Kingstone Mapupu N’ANGA ine mukurumbira kudunhu reRushinga inoti pachivanhu, kushandiswa kwefetiraiza nemishonga yekuuraya tumbuyu pakurima hakutenderwe sezvo zvichitsamwisa midzimu.

‘Mukadzi ndinomuda, zvisinei nechipfambi’

Kingstone Mapupu MURUME wemuHarare — uyo ava kunyatsoziva kuti mwana waaifunga kuti ndewake haazi wake mushure meongororo ye”deoxyribonucleic acid” (DNA) — anoti mudzimai wake anongomuda zvakadaro, zvisinei nekuti mukadzi uyu…

China yakavakisa chikoro muHarare

Muchaneta Chimuka CHIKORO chitsva chinokosha US$2 miriyoni cheZimbabwe-China Friendship High School chiri kuHatcliffe, muHarare, icho chinotarisirwa kubatsira vana 960 chakavhurwa zviri pamutemo nguva pfupi yadarika.

Gomarara romudya tsoka… Anoda $450 yekuti arapwe

Muchaneta Chimuka MUKOMANA wekwaGutu ari kutsvaga rubatsiro rweUS$450 yekuti anorapwa chirwere chegomarara riri pagumbo kuSouth Africa. Alfred Pedzisai Mubaiwa (18) ange achimboshandirwa nemumwe muporofita kuChitungwiza padenda rake iri.

‘Handi kupenga, rinotori tarenda’

Daphne Machiri NYANDURI wechidiki uyo ari kusimukira uye achigara muHarare anoti zvakakosha kuti vane matarenda ekudetemba vatsigirwe zvizere, kwete kuvatora sevanodzidzira kupenga, sezvo zvichiwanisa vamwe vavo raramo.

nyoka 40 pamusha

Kingstone Mapupu NYOKA dzinosvika 40 — shato nemhungu — dziri kugara mumusha waShirichena, kwaNyamweda, kuMhondoro, inova nyaya yakonzera veruzhinji veko kugara vakabatira hana dzavo mumawoko nekutya. 

×