‘Chitunha chemwana chakavigwa muhozi’‘. . . chiri kushandiswa nemishonga’
Kingstone Mapupu MWANA mukomana wemubhuku raNyadema, mudunhu raMambo Mangwende kuMacheke —uyo akangotsakatika mugore ra2013 -ava kunzi akapondwa, mutumbi wake ndokuiswa muhozi yeimwe mhuri, umo wakasandurwa kuita mushonga uri kushandiswa sedivisi…
Nherera, chembere dzakabatsirwa
Kingstone Mapupu CHIREMBA wechivanhu wemuHarare, Sekuru Kamwelo Banda, nemusi weChipiri svondo rino vakabatsira misha mitatu inochengetwa nherera muHarare nezvekudya uyewo ndokuzopa vana vechikoro kuEpworth mayunifomu nekuvimbisa kuvabhadharira mari dzechikoro.
Voshaiswa rugare nezvimbambaira
Kingstone Mapupu VAGARI vekuRushinga, kumuganhu weZimbabwe nenyika yeMozambique, mudunhu reMashonaland Central, vari kushushikana nekuda kwezvimbambaira izvo zvainge zvakadyarwa nemabhunu munguva yehondo yerusunguko rwenyika ino izvo zvavanoti zvapedza kuuraya zvipfuyo zvavo…
MAONERO EDU: Dzivirirai njodzi dzinouya Zhizha
MUNGUVA ino yeZhizha, gore roga-roga nyika inotarisana nedambudziko remafashamu emvura izvo zvinoisa upenyu hwevanhu panjodzi pamwe nekukonzera kuparadzwa kwemisha, zvimwe zvivakwa nezviwanikwa zvenyika.
‘Uku ndiko kushereketa kwemberi’
Munyori weKwayedza VOTAURA nezvemashura aya, Sekuru Elisha Mutanga, avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu uye vari nhengo yesangano revarapi reZimbabwe National Traditional Healers’ Association (Zinatha), vanoti chiitiko ichi chinoratidza kuti pane…
Miriwo yedu paChiNdau
NDAUWE ndauwe! Tinobonga ngekukumanahe mugore rino idzva takagwinya mweya nenyama. Ngatimboti dzunzunyare teibonga Marure ngegore idzva iri. Amweni edu akakorere kuambuka, saka ngatibonge yaamho.
Nyanduri nenyunyuto
Munyaradzi Gunduza 1 Nhetembo dzaTawanda Mushimbo dziri muna “Mutakunanzva Wenhetembo” dzinotevera dzine dingindira renyunyuto. (i) Nyarai Vanasikana! (ii) Yambiro Kunemi Vachiri kukura (iii) Mudzimai Andishungurudza (iv) Ndini Watsiapu Muchandiona Tsanangura…
‘Pastor natete mapunza imba yangu’
Gamuchirai Muzanenhamu TETE vekupomerwa kupunza imba yemuroora mushure mekunge vatorana nehanzvadzi yavo ndokuenda kumba kwamufundisi uko vanonzi vakasvikoudzwa kuti vana vemudzimai wake havazi vake vakazomiswa mudare redzimhosva.
Oda kudzika mukadzi demo
Lizzy Mushoriwa MUDZIMAI wekuEpworth, muHarare, anoti ari kushushikana zvikuru nemaitiro emurume wake ekudzokerana nemukadzi waakambenge arambana naye, izvo zvave kuita kuti vagare vakatsvukisirana maziso uye anomudzingirira achida kumutema nedemo.
Wakaroorwa, unodanana nemurume wemunhu
naIgnatius Mabasa UFUNGEKA, nyaya yako yasvika kwandiri uye munhu andiudza nyaya yako haaite zvemakuhwa. Uri kudanana nemumwe murume ane mukadzi wake nevana, asi iwewe une murume wako nevanawo.







