‘Murume wangu unoba kubasa, inhema here?’

Lizzy Mushoriwa Murume samusha akashaya pekupinda nekunyara mudare apo mudzimai wake akamufumura achiti zimbavha remakoko rinoba zvinhu zvekubasa richipa shamwarikadzi yaro kuti izvitengese.

Kanzuru yavhura chikoro chitsva

Munyaradzi Doma ari kuZVISHAVANE Kanzuru yeZvishavane iri kuvakisa chikoro chesekondari icho chave pedyo kupera uye chichange chichikumikidzwa zviri pamutemo munguva pfupi inotevera. Munyori mukuru wekanzuru iyi, VaTinoda Mukutu, vanoti kuvakwa…

Sei ndiri muKristu?

Ignatius Mabasa Makorokoto eGoredzva Nyamasvisva. Nguva inofamba takarivara semombe dziri kufura zvekuti unozovhunduka dzave mumunda waVaPinjisi. Ndave nemazuva ndichida kukunyorerai pamusoro penhau inokushamisai kuti munhu mutema angave muKristu chirudzii icho…

Kudetemba rayiro

Munyaradzi  Gunduza Liveson Tatira anofarira dingindira rerayiro mukudetemba kwake. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25] Nhetembo dzacho dzinosanganisa; Bhiipii, Ngatipei nzvimbo rwaamai, Ngatikudzanei pamabasa, Ngatichengetedzei…

Farirai Shona

Ticha Danga Tinoti kwamuri vana vatsva vegwaro rechinomwe mauya mauya! Tinokuchingamidzai nemawoko maviri mushure mekupedza makore matanhatu muchikwira nekudzika muzvidzidzo zvenyu.

‘Mhanzi ngaive inovaka’

Abel Ndooka MUIMBI ane mukurumbira mumusambo weAfro-fusion, David “HD” Hondoyedzomba anoti mhanzi inofanira kuve nechainovaka muvanhu kwete kuti vangonakidzwa nayo chete.

Harurwa: Kudya namambo!

HARURWA tupukanana tunorarama nekudya mashizha emiti sezvinongoita hwiza kana kuti mhashu asi tuchinyautsa mukanwa zvikuru kana tukabikwa nemazvo.

Misika yefodya yoenda kuvarimi

Muchaneta Chimuka GADZIRIRO dzekuti misika yefodya (tobacco auction floors) inge ichipinda muvarimi dzave padanho repamusoro uye parizvino kambani yeTobacco Industry and Marketing Board iri kuita ongororo yenzvimbo dzakakodzera kutengeserwa fodya…

Hari 3 dzizere tsvina yemunhu. . . nyama mbishi nedoro padivi . . . bakatwa rakabairirwa muvhu

Muchaneta Chimuka VAGARI vekwaMunyawiri, kuDomboshava, havana neremuromo zvichitevera mashura “eKirisimasi bhokisi” avakafumoona — hari nhatu dzizere tsvina yemunhu, doro, nyama nyoro mbishi uye nhekwe yefodya nebakatwa rainge rakabairirwa muvhu.

Hre City yakadzirasa: psl

Abel Ndooka SANGANO rePremier Soccer League (PSL) rinoti chikwata cheHarare City chakazvikanyira uye hachisi kuzokwanisa kukwikwidza kuti chirwire mukombe weChibuku Super Cup wachakahwinha mwaka wadarika zvichitevera kuburitswa kwachakaitwa muligi iri.

×