Mukadzi akanditiza, apa ini ndinomuda

MUBVUNZO: Sekuru, ndine dambudziko rekuti mudzimai wangu akanditiza muna Chikunguru gore richangopera. Ndinozviziva kuti akafurirwa nehama dzake uye kubva ipapo iye neni hatisi kuonana asi ini ndichiri kumuda hangu. Ndaedza…

Zvakaburwa kuShona

Ticha Danga MAKOROKOTO makuru Musiki vakatiyambutsa vakatipinza mugore idzva zvakanaka. Tinoda kupa rumbidzo nekutenda ivo Musikavanhu vakava nesu vakatisesedza tikadya huku nemupunga zvakanaka tichinwira zvaitonhodza iyo mimhanzi ichidandaura zvisina mukare…

Vonzi vakaba ngoda ye$500k

Muchaneta Chimuka VASHANDI vana vekambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Company (ZCDC) vakamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts vakatarisana nemhosva yekuba nekutengesa madhaimondi anokosha $500 000.

$2m yekudzoreredza masango

Muchaneta Chimuka KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board yakaunganidza $2 miriyoni yekudzoreredza masango kubudikidza nekudyarwa kwemiti izvo zvichabatsira zvikuru varimi vefodya kuti vaiite mabasa  avo nenzira dzinochengetedza nharaunda.

MAONERO EDU: 2018: Gara warirongera

TADONGORERA mugore idzva zvino — gore ra2018. Senguva dzose, iyi inguva yekuti munhu wose anenge achifara nekupembera kupinda mugore idzva. Hapana chakashata! Kupemberera kunodiwa, asika fara uchiziva pekugumira. Zvekufarisa kusvika…

Zimpapers hutu nemubairo!

Muchaneta Chimuka KAMBANI huru mune zvenhau nenhepfenyuro munyika muno, yeZimpapers Group, yakapembedzwa nguva pfupi ichangodarika ndokupihwa mubairo mukuru wekugona kudyidzana neveruzhinji, zvikuru mumabasa ekuva netsiyo nyoro, weSocial Responsibility Excellency Award…

Soccer Stars: Mparutsa otaura

Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa munhabvu ichitambira zvikwata zvinoti Dynamos, Black Rhinos nemaWarriors, Japhet “Short Cat” Muparutsa, ari kunyunyuta zvikuru kuti sei pakavhoterwa maSoccer Stars egore rino pasina kana mubati wepagedhi…

mukuwasha anogarira ambuya pamakumbo. . . achitochekwa nzara

Kingstone Mapupu AMBUYA nemukuwasha vekumapurazi akagariswa vanhu patsva kwaMambo Makope, kuMutorashanga, vonzi vari kudanana zvekudanan zviya – kutoita kupengesana murudo zvekuti mukuwasha anotogara pamakumbo aambuya vake mbune, achitochekwa nzara.

Varairidzi vogara vakamanikidzana

Kingstone Mapupu VABEREKI vane vana vanopinda chikoro paNyatsato Primary School, kudunhu raMambo Makuni, kuRushinga, vari kushushikana nekuda kwekushaikwa kwedzimba dzinogara vadzidzisi izvo zviri kukonzera kuti vagare vakamanikidzana.

Ofurufushwa ne‘small house’

Gamuchirai Muzanenhamu MUMWE murume akachema-chema mudare achiti ari kutya kushandisirwa mishonga inokuvadza neaimbova shamwarikadzi yake sezvo achigara achimuudza mashoko anotyisa.

×