Zvibhorani zvakafa zvogadzirwa

Kingstone Mapupu SANGANO rakazvimirira rogadzirisa zvibhorani zvakafa kudunhu reRushinga richibatsirana nebazi reDis-trict Development Fund (DDF) nedonzvo rekusimudzira mabasa ekurima.

‘Ndidewo ndide murume wangu!’

Gamuchirai Muzanenhamu VAHOSI vakagunun’una mudare vachiti murume wavo ave kupedzera rudo rwose kuna nyachide uye haasisina basa navo sezvo asisavachengete.

‘Mupurwa unondipa shagi’

Kingstone Mapupu MURUME anogara kwaMambo Nembire, kuMuzarabani, ari kudura kuti akaromba mishonga yekupfuma – mumwe wacho ukazosanduka ukaita mupurwa unomuunzira mari nekumuita kuti akohwe pakuru muminda yake.

ndine mudzimu: murungu

Muchaneta Chimuka MUKADZI wechichena anogara kunyika yeUnited States of America anoti ava nemakore 15 achiita zvekushopera sezvo achizviti isvikiro renjuzu uye dzimwe nguva anofamba nepasi pemvura munyanza achienda kunoshandira vanhu…

Kabichi idzva rePrime Seed Co

Elizabeth Benjamin KAMBANI yePrime Seed Co inozivikanwa nevazhinji nokuda kwekutengesa mbeu dzemiriwo dzakasiyana-siyana dzemhando yepamusoro. Chinangwa chikuru chePrime Seed Co ndechekukurudzira varimi vemiriwo kuti vashandise mbeu yemahybrids.

2017: Gore rizere zvishamiso2017: Gore rizere zvishamiso…‘Weti yegudo chamvari’ … Hari izere mbeu yevarume …Akadya tsvina yemukadzi …Opfekera dhongi condom …Maporofita otenga ‘varoyi’ … 100 zvombo zvevarume

Tandayi Motsi GORE ra2017 rasvika kumagumo uye kune zvakawanda zvakaitika mukati maro izvo zvinofadza pamwe nekusuwisa. Vamwe vanoti ranga riri rezvishamiso kana kuti minana. Kwayedza — bepanhau revanhu iro rakanzi…

Anokanda vana kumota ichifamba

Lizzy Mushoriwa MURUME samusha anoti mudzimai wake anodya marasha zvekusvika pakukanda vana pamberi pemota yaanenge achityaira uye kuda kumupisira mumba achiti akagara asingade kuroorwa naye.

O-LEVEL — MUTAKUNANZVA WENHETEMBO… Dingindira rehuori

Munyaradzi Gunduza SARUDZA vananyanduri vana vari muna Mutakunanzva Wenhetembo vanonyora nezvedingindira rehuori. Zvino chitsanangura zvinotaurwa maererano nehuori mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

‘Tsigirai zvikoro zvamakadzidza’

Abel Ndooka VERUZHINJI vari kukurudzirwa kusimudzira zvikoro zvavakadzidza, kunyanya zviri kumaruwa, senzira yekudzorera kunharaunda.

‘Ruzivo rwezveutano rwakakosha’

Muchaneta Chimuka SANGANO reMedecins Sans Frontieres/Doctors Without Borders (MSF) rinoti kusawaniswa ruzivo rwakakwana rwuri pamusoro pezveutano kune veruzhinji kuri kukonzera kunyuka kwezvirwere zvepabonde uye kushungurudzwa kwevanhukadzi pabonde.

×