Makore 19 achizviitira weti
— ‘Kuchivanhu vachinanga vabereki vangu’ — ‘Apa dambudziko richingoda kuchipatara’ Muchaneta Chimuka — “NDINORWADZIWA zvikuru kuti maporofita nen’anga vakandipesanisa nevabereki vangu. Baba vangu vakazofa tisisawirirane! Nekuda kwezvemanyepo zvandaiudzwa nemaporofita nen’anga,…
Maporofita ‘obikwa’ kun’anga
Kingstone Mapupu — DZIMWE n’anga dzemunyika muno nedzekuZambia dzinoti maporofita ari kukurumbira kuburikidza nekutsvaga mishonga kubva kwavari yekuti vakwanise kuita mashura nezviratidzo uye kuteverwa nechaunga chevanhu.
‘Ngirozi yangu inokuvadza’
Daphne Machiri — MUDZIMAI wekuHatcliffe, muHarare anoti ane ngirozi yenjuzu – kwete mweya – uye kana akatsamwiswa, hapabude chakanaka sezvo achidzosera moto nemoto (fire to fire).
Madzimai akazvitakura obatsirwa
Muchaneta Chimuka — SANGANO reUNFPA, rakabatana nereGrant Thornton pamwe nekambani yeNyaradzo Funeral Services, vakaparura chirongwa chemushandirapamwe chekutsigira madzimai nevanasikana vakazvitakura paHoward Mission Hospital Maternity Waiting
Homwe yekuvaka zvikoro
Sydney Kawadza naWalter Mswazie — VANA vechikoro vachange vave kubhadhara chikamu chemari inosvika 5% chelevy yavo kuhomwe itsva yekuvaka zvikoro yeNational Schools Building Fund (NSBF) kutanga gore rinouya.
‘Ndakarambirwa mwana akaremara’
Muchaneta Chimuka — MUDZIMAI wekuEpworth anoti akarambwa nemurume wake uyo anova mupurisa zvichitevera kuzvara kwaakaita mwana akaremara mitezo.
Mazita nezvaanoreva
Ticha Danga — BVUNZO zvarakadai kunyorwa hazvirevi kuti kudzidza kwapera. Tinotofanirwa kuramba tichiverenga kuti tiwedzere ruzivo. Kune zvakawanda zvatinofanirwa kudzidza kubva mukurarama kwaiita vakuru vedu makarekare.
Madzibaba akabata kasikana chibharo
Muchaneta Chimuka — MUPOROFITA wekuChitungwiza svondo rapera akamiswa mudare reko akatarisana nemhosva yekubata chibharo kamwana kechikoro kane makore 15 okuberekwa panguva iyo “aikanamatira”.
Kufohla pachiNdau
NDAUWE ndauwe akhiti woye! Takumanahe nyamashi, kunyazi kubanziyo kunopisha, tinondobuda koodongorere kumaminda. Ari Pfidza anoti tapfidza ndiro zuwa. Ari Nyanyadzi anoti ranyanye kupisha kwedu uno.
Kuita mari nemadhiri emabhidhiri
naIgnatius Mabasa — NDIRI kudzidziswa nemumwe mufundisi anonzi Kyle Idleman. Mashoko ake akandidzidzisa kuti tinourayiwa nemunhu anonzi inini. Iwewe uri kuverenga ndiwe inini wacho anoti: Inini ndiri kuda kuita mari…





