Mabasa emawoko paEmerald Hill

Muchaneta Chimuka — CHIKORO cheEmerald Hill School for the Deaf, icho chiri muHarare uye chichifundisa vana vasinganzwe nevasingagone kutaura chava kufambirana nechirongwa chegwaro idzva redzidzo reNew Curriculum kuburikidza nekufundisa vana…

Adzimai pfacha baba vari musvo kushamwarikadzi

Lizzy Mushoriwa — VANHU vaive mudare redzimhosva vakashaya neremuromo apo mumwe mukadzi anoti akabatikidza murume wake ari musvo kumba kweshamwarikadzi yake ndokumuzvuzvurudza achida kuti vadzokere vose kumba kwavo.

Bhizinesi remabanana radzikira

Kingstone Mapupu — VARIMI vemabanana vekuHonde Valley kuNyanga, kuManicaland vanoti mitengo yechirimwa ichi yadzikira zvikuru kana vachienzanisa nemakore adarika izvo zviri kudzorera bhizinesi ravo kumashure.

Ngozi yenyoka tugu mudare

— ‘Imi neni tichapedzerana’ Kingstone Mapupu — NGOZI yemurume aiva mushandi wepamusha weimwe mhuri igere kwaSabhuku Nyatwe, kuVillage 54 kwaMambo Mutasa, kuNyanga yakabuda mudare ramambo veko svondo rapera ichitaura kuti…

Chibage che’Orange’ chotora mukombe

Lawrence Mjere — RUZHINJI rweZimbabwe kumatunhu akasiyana rwava kurima nekudya chibage che “Orange” icho chine kudya kweVitamin A kune utano. Chibage chine ruvara rweorange ichi chakauchikwa zvine unyanzvi hwepamusoro chichiwedzerwa…

Kupupura nhema . . .

‘maporofita ari kutenga vanhu’ — ‘Vodzidziswa zvekuita kumasowe’ —‘Inyaya yekutsvaga mukurumbira’ Muchaneta Chimuka — NYAYA yemabhidhiri — yevanhu vanonzi vanobhadharwa nemaporofita, maprophets nen’anga vane mukurumbira muZimbabwe kuti vereurure kana kupupura…

World aids Day yadongorera

MUMAZUVA mashoma anotevera, Zimbabwe ichange ichibatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva guru reWorld AIDS Day (WAD).

Votsvukisirana maziso mudare

Gamuchirai Muzanenhamu — MADZIMAI maviri akatsvukisirana maziso mudare redzimhosva apo mumwe aipomerwa kufurira murume pamwe nekupindira munyaya dzinenge dziri pakati pemurume uyu nemukadzi waakarambana naye.

Kana dai chikanhuwa sei, . . .‘chitunha hachisvipwe’

Kingstone Mapupu PATSIKA dzechivanhu, chitunha chemunhu chinonzi hachisvipwe kana kuratidza kuchisema, kunyangwe chikawora kana kuti chichinhuwa sei sezvo zvichinzi kusvipa chitunha kunokwezva munyama wakakomba.

N’anga ‘yeBluetooth’ yakachenurwa

Muchaneta Chimuka — N’ANGA ine mukurumbira kuNorton yakazopotera kudare raMambo Chivero, kuMhondoro mushure mekunge yanangwa huroyi nemumwe mudzimai anoshanda semudzidzisi uyo anoti iri kushinha naye ichimushandisira “bluetooth” – mubobobo.

×