Maporofita ‘obikwa’ kun’anga

Kingstone Mapupu —
DZIMWE n’anga dzemunyika muno nedzekuZambia dzinoti maporofita ari kukurumbira kuburikidza nekutsvaga mishonga kubva kwavari yekuti vakwanise kuita mashura nezviratidzo uye kuteverwa nechaunga chevanhu.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakaita hurukuro nedzimwe n’anga dzemuZimbabwe nedzekuZambia idzo dziri kutsinhira kuti maporofita akawanda ari kuenda kwavari achida mishonga yekuzvisimbisa.

Mbuya Shalowabe Chimutengo (58) avo vanorapa vari kunzvimbo yeMaramba Compound Market, kuLivingstone kuZambia vanoti mamwe maporofita nevakuru vemachechi vanoenda kwavari husiku vachinotsvaga simba rekuporofita nekuzvisimbisa.

“Maporofita ari kuwanda zuva nezuva muno muZambia, vachiita minana yakasiyana pakushandira vanhu nekuporofita. Harisi simba ravo, nderedu isu n’anga ratinovapa kureva kuti vari kushandisa simba rechivanhu izvo vasingade kutaura nekubuda pachena,” vanodaro.

Vanoti maporofita nevakuru vemachechi ava vanovagezesa nemishonga yechivanhu, kuvatemera nyora mumiviri yavo nekuvapfungaidza nekuvanwisa mishonga.

“Handigone kuvataura nemazita, vakawandisa maporofita akadai – kubva kuLusaka, Kitwe nemuno muLivingstone. Tinovabika kuti vaite maporofita ane mukurumbira wozoona ave kutaura zita rako, revana nevabereki vako.

“Tinovapa masimba asi zvinopera nekubhuruvara nekukurumidza nekuti vanozorega kushandisa mhiko dzatinovapa,” vanodaro.

Vanotiwo pane mafuta avanopa maporofita ekuti vazore pahuma dzavo zvekuti munhu wose ari mumasangano avo anovatya kuita seshumba kana kuti vose vanhu vanonoshandirwa vanotya kutaura zvakawanda.

“Vanozviziva maporofita aya kuti vakanetsana nen’anga dzekuno kuZambia tinovatorera masimba avo vosara vangovawo vanhu. Vamwe vanozviti maporofita ava vanozomhanya nemaBhaibheri kuvanhu nyambisirwa simba nderedu,” vanodaro Mbuya Chimutengo.

Mbuya Erisa Siamupungani (53) vanotiwo kune maporofita akawanda ayo vanopa masimba ekuti vakwanise kuporofita nekubatsira vanhu.

“Kana maporofita ava vaine gungano ravanoda kuita, tinotanga taenda kunoisa mhiko husiku kuti pazouya vanhu vakawanda kuzobatsirwa izvo zvinoita kuti vaite mari yakawanda,” vanodaro Mbuya Erisa Siamupungani.

Mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu munyika muno reZinatha – VaGeorge Kandiyero – vanotiwo ichokwadi kuti maporofita anonopihwa masimba nen’anga.

“Simba rine n’anga nesimba rine mamwe maporofita zvakafanana. Maporofita mazhinji vanoenda kunopihwa simba nen’anga, voita maporofita ane mbiri. Saka muchiona kuti munhu akasiya kunamata chipositori ave kuita zvechivanhu, kana ange achiporofita anobatwa nemudzimu uye akasiya zvemidzimu akanamata, anotanga kuporofita.

Related Posts

Madzimambo oronga bira reLake Kariba

Muchaneta Chimuka MAMBO Ngezi, VaPeter Pasipamire, vekuMhondoro – Ngezi mudunhu reMashonaland West vanoti zvakakosha kuti paitwe bira kuLake Kariba senzira yekuchenura zvichitevera njodzi yengarava iyo yakauraya vanhu vakawanda uyewo nechinangwa…

Mwedzi 6 mujeri afukunura guva ratete

Munyori weKwayedza MURUME wekufukunura guva ravatete vake achida kutora maringi avo emuchato ayo aifunga kuti vakavigwa nawo, Challenge Jasi (38), akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu nedare reMurehwa Magistrates Court. Jasi,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *