Varimi ngavatsigirwe zvizere: Fao
Muchaneta Chimuka — SANGANO rinoona nezvekuwaniswa kwechikafu pamwe nenyaya dzekurima pasi rose reFood and Agriculture Organisation (FAO) rinoti zvakakosha kuti varimi vekumaruwa vatsigirwe zvizere sezvo vachibatsira zvikuru mukuwanikwa kwechikafu
Nederere sadza rinodzika
USAVI hwederere rechipudzi kudya kwechivanhu kunovaka muviri, hakudi zvakawanda pakubika uye kunofarirwa nemazera ose — kana dai nevaya vasisina mazino.
Maporofita haadaro!
SVONDO rino tine nyaya inosuwisa pamwe nekunzwisa hasha – nyaya yemuporofita anoti akashandisira mwanasikana wake mhiko dzekuti arasike njere. Muporofita uyu anoti izvi akazviita mushure mekufungira kuti mwanasikana wake ainge…
‘zamu rinondipa chibhanzi’ … ‘Ndimo makabva makombi angu’
Kingstone Mapupu — MUKADZI wechidiki anova chizvarwa chemuno asi achigara kuSouth Africa afunga kuburitsa zvakavandika zvinomuita kuti apfume — izamu rake rekurudyi.
ndakadhunyisa mwana wangu: muporofita
Malven Mugadzikwa — MUPOROFITA wekwaMurehwa — uyo wekuti mbiri yake ndeye hupombwe achimitisa vakadzi vevanhu zvose nehumbavha — ari kudura kuti ndiye akashandisira mwanasikana wake wekubereka mhiko dzekuti arasike njere.
Makwikwi eAfrican Woman of the Year
Munyori weKwayedza — VANHUKADZI hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year.
B and P yozvambura chikoro
Muchaneta Chimuka — CHIKORO cheB and P Study Centre chiri kwaSeke chiri kurumbidzwa zvichitevera kubudirira kuri kuita vana vepo. Kwemakore matatu adarika, vana vepachikoro ichi vari kupasa bvunzo dzeGrade 7…
Tinoitwa zvinorova nababa: Vasikana
Kingstone Mapupu — VANASIKANA vatatu vemumhuri imwe chete vanoti vashungurudzwa kusvika kwekupedzisira —vanoshereketwa navo nenyoka, ukuwo vachirota vachishinha nababa vavo — dzimwe nguva zvichitoitika vakasvinura.
9 ‘days’ vachinwa mvura ine chitunha
Kingstone Mapupu — CHITUNHA chemukadzi aigara mumusha weRiverside, pedyo nekwaMakoni, kuChitungwiza chakazowanikwa chiri mumugodhi wepamba pake mushure mekunge kwapera mazuva mapfumbamwe chirimo apo vanhu vaichera mvura yemo
‘Tiri kukoshesa Sign Language’
Tandayi Motsi — GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanoti Hurumende iri kushanda nesimba nechinangwa chekuti varairidzi vemutauro wemasaini (Sign Language) vange vachikwanirana nevana vane dambudziko rekusanzwa.











