‘Ndakapamha kudya tsvina yemunhu’
Kingstone Mapupu — MURUME wekwaSeke — uya wekudura kuti akadya tsvina yemudzimai wake semhiko yekuti arege kuita zvikomba — akadzokorora kukambura tsvina yemunhu.
Kwayedza African Woman 2015 ashaya
Muchaneta Chimuka — MUDZIMAI wekutora mubairo mukuru mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year 2015, Beauty Mutambu, akashaya.
Kugovewa kwemidziyo muwanano yechivanhu
MUZIMBABWE, vanhu vakawanda vanoroorana maringe netsika dzechivanhu (customary law union) asi havazonyoresa wanano yavo zviri pamutemo.
Ndinobuda zvinonhuwa muchibereko
MUBVUNZO: Sekuru, ndakaita dambudziko rechibereko masvondo mana adarika — chaive chakaruma mugumbo chichibva chazopora. Chave kunetsa ndechekuti ipapo pacho pari kuita kunge pane ronda nechemukati uye ndiri kuburitsa tsvina inonhuwa…
Gadziriro inokosha
Munyaradzi Gune — ZVAKAKOSHA kuti uite gadziriro yakasimba yekunyora bvunzo dzeuvaranomwe (nhetembo nenganonyorwa).
Nhetembo dzekupira midzimu
Munyaradzi Gunduza — 3. TSANANGURA pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotevera dzekupira midzimu; Doro remukwerera, Kuteketera kwavadzimba, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]
Uri dzenga, chituta, dununu, fuza!
naIgnatius Mabasa — TSVINA yemunhu haiite! Inongoda kuraswa nekuti nyangwe ukaiisa mundiro kana mupoto, haife yakapinduka kuita sadza kana chimodho. Haisi chikafu – inorutsisa.
Vana 2 vakany’ura mumugodhi
Kingstone Mapupu — VANA vaviri vanove mukoma nemunin’ina vakawira mumugodhi uzere mvura vose ndokufa nemusi weMuvhuro svondo rino apo vaitamba pamba pevabereki vavo kuEpworth, muHarare.
‘Hakuna huroyi hunodarika apa’
Kingstone Mapupu — NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti tsvina yemunhu inoshandiswa zvine chekuita nehuroyi. Izvi zvinotevera nyaya yemurume wekwaSeke uyo anoti akadya tsvina yemudzimai wake neyemumwewo munhu semhiko yaakaudzwa nen’anga nemuporofita
Muroora navamwene tiba!
Gamuchirai Muzanenhamu — MUDZIMAI wekuendeswa kudare nevaimbova vamwene vake vachiti ari kuvashungurudza anoti ivo ndivo vakamuvenga nekuti vanomupomera kuti akapfuhwira mwanakomana wavo panguva yavaigara vose semurume nemudzimai.




