Akarova nekubira mupurisa

Muchaneta Chimuka — MUMWE mutyairi wemotokari ari kupomerwa kurova mupurisa anoshandira mumugwagwa pamwe nekumubira $65 apo akanga asungirwa kusatevedzera mitemo yekufamba zvakanaka mumugwagwa.

Rev Chivaviro afunga matongo

Malven Mugadzikwa — MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mukurumbira, Reverend Togarepi Chivaviro, anoti ane hurongwa hwave padanho repamusoro hwekuvakisa chikoro chesekondari nemuzinda unodzidzisa vechikuru mabasa emawoko kumusha kwake

OneMoney yorerutsira veruzhinji

Munyori weKwayedza — KAMBANI yeNetOne iri kurumbidzwa zvikuru nekuunza kwayakaita chirongwa cheOneMoney, icho chinorerutsira veruzhinji kuti vakwanise kutumira kana kutumirwa mari vachikwanisa kutenga zvavanoda nyore vachishandisa nharembozha.

Muimbi obatsira nherera

Abel Ndooka — MUIMBI wemusambo weSungura – Lovemore Muzondiwa wechikwata cheMbarura Express – anoti akazvipira kubatsira nherera dzakasiyana kuburikidza nekudzibhadharira mari yechikoro nekutenga mbatya dzekupfeka.

Delta yoshanda nemayunivhesiti

. . . vogadzira mari kubva mumarara Muchaneta Chimuka — VADZIDZI vekumayunivhesiti akasiyana emuZimbabwe svondo rapera vakatora mibairo yemari inodarika $2 000 mumakwikwi ekuratidzira zvinhu zvavari kugadzira kubva mumarara emabhodhoro…

Zvaiva muPepa 2

Ticha Danga— CHIKAMU chapfuura chakabata ongororo yepepa repiri rinova renzwisiso nerondedzero asi hatina kukwanisa kupedza pepa rose. Ndakasiira patsamba iyo yaida kuti mwana anyore pamusoro pematambudziko aakasangana nawo ayo aida…

Tsvina yemunhu semupfuhwira

Gibson Mhaka — Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi Florence Maregere akafunga kuti rudo rwake nemurume wake — Amos Mashamwari — rwaizokura kana murume uyu adya mupfuhwira une mushonga wakasanganiswa netsvina yake…

Cancer: ‘Zvava kuda mushandirapamwe’

Muchaneta Chimuka — SANGANO reIsland Hospice & Healthcare rinoti zvakakosha kuti pave nemushandirapamwe mukurwisa chirwere chegomarara icho chiri kutambudza vanhu vakawanda munyika muno.

‘Koshesai dzidzo yevana’

Abel Ndooka — VABEREKI vari kukurudzirwa kukoshesa fundo yevana vavo pamwe nekuvarovedzera kuhunhu hunoyemurika kuitira kuti vave neremangwana rakanaka sezvo vamwe vachizopedzisira votora zvinodhaka nekuda kwekushaya dzidziso yakasimba.

Selbourne iri kupemberera

Pauline Matanda — CHIKORO cheSelbourne Routledge, chemuHarare chiri kupemberera kusvitsa kwachaita makore 70 kubva chavambwa.

×