Selbourne iri kupemberera

Pauline Matanda —
CHIKORO cheSelbourne Routledge, chemuHarare chiri kupemberera kusvitsa kwachaita makore 70 kubva chavambwa.

Sekugadzirira mhemberero huru idzo dziriko neChishanu chino, Selbourne yakaita mutambo wekufamba kubva paTown House, muHarare kunosvika kuchikoro ichi.

Vaive pachiitiko ichi vanosanganisira vabereki, varairidzi, vana vechikoro nevamwe vakambodzidzapo. Vachitaura kugungano iri, mukuru weSelbourne Routledge School – Mai Katena – vanoti chiitiko ichi ndechekupemberera kusvitsa kwechikoro chavo makore 70 kubva pachakavambwa.

“Kufora kwaitwa nevabereki nevana mumugwagwa Jason Moyo kunosvika muna waRotten Row, Samora Machel, Bishop Gaul naPrinces Road vachizoguma vave kuchikoro ndiko kutanga kwemhemberero idzi.

Mutambo mukuru uriko Chishanu chino, 27 Gumiguru. Tinokoka vakambodzidza pachikoro chedu, vatsigiri nevamwe vatinoshanda navo pamwe nevemunharaunda yeBelvedere kuti vabatane nesu mukupemberera zuva guru iri,” vanodaro Mai Katena.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *