Mhanzi yangu ndeyezodzo: Pfukwa

Abel Ndooka — MUIMBI wemusambo wechitendero ari kusimukira, Faith Pfukwa, anoti chishuwo chekuparidza shoko raMwari ndicho chakamutuma kuti atange zvekuimba.

Voita makakatanwa mudare

Lizzy Mushoriwa — VANHU vaive mudare vakatyoka mbabvu nekuseka apo murume nemukadzi vaikakavadzana pamusoro pekubasa kunoshanda samusha ava pamwe nemari yavanotambira pamwedzi.

Tiri kutenga mabhuku: Mavima

Tandayi Motsi — HURUMENDE iri kushanda nesimba kuti muzvikoro zvepuraimari nesekondari munyika yose muve nemabhuku ekuverenga pamwe nezvimwe zvinodiwa mudzidzo zvinokwanirana nevana.

Usafungirwe neWhatsApp

KUBVA nemusi weMugovera wadarika, veruzhinji vange vachimhanyidzana kuzvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasiyana — kunyanya chikafu — vachitenga zvakawanda kana kuti kuhodha.

Zvikoro 25 zvakaridza marimba

Daphne Machiri — AKANGE ari makuwerere svondo rapera kunzvimbo yeLong Chen Plaza muguta reHarare apo zvikoro 25 zvepuramairi nesekondari kubva kumativi mana enyika zvaikwikwidzana mudopiro rekuridza marimba.

vakarumwa nemadzvinyu parufu

— Nyoka dzichingovhiringidza vanhu — Mwana wemufi ndiye puu ndokufa Lizzy Mushoriwa — VANHU vaive parufu rwemumwe murume kwaNyadire, kuUzumba mudunhu reMashonaland East nguva pfupi yadarika vanonzi vakaita rurasademo vachitiza…

‘Mai mwana ndinzwirewo tsitsi, usandipedzere mari’

Gamuchirai Muzanenhamu — MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achida $120 yekuriritira mhuri yavo akachema-chema achiti anotambira $150 pamwedzi nekudaro kana akamupa mari iyi anosara ave kukwangwaya zvekusvika pakutadza kuenda kubasa.

Totokunya: Mutasa

Abel Ndooka — MURAIRIDZI weDynamos FC, Lloyd “Samaita” Mutasa anoti chikwata chake chinofanirwa kurwa semvumba kuitira kuti chirambe chiri pamusoro pelog chigokwanisa kuhwina mukombe wePremier Soccer League mwaka uno.

Zvinodzikisira goho remurimi

Charles Munyoro — TINOKUCHINGAMIDZAI varimi pachirongwa cheMudhumeni Mukuru apo tinokurukura zvimwe zvezvinhu zvinoderedza goho redu. Ishuviro yedu yekuti kurima ibhizimisi saka goho rinoda kuvandudzwa kuti tikwanise kudzokera kunorima mwaka

Akadzikwa demo nachenzira

Given Siakanoka naKingstone Mapupu — MUZVINA BHIZIMISI wekwaMola, kuKariba ari kurwira upenyu hwake ari muchipatara cheHarare Central Hospital zvichitevera kukuvara kwaakaita apo akatemwa gumbo rikatyoka ari pamba pake nemumwe murume…

×