Zvikoro 25 zvakaridza marimba

Daphne Machiri —
AKANGE ari makuwerere svondo rapera kunzvimbo yeLong Chen Plaza muguta reHarare apo zvikoro 25 zvepuramairi nesekondari kubva kumativi mana enyika zvaikwikwidzana mudopiro rekuridza marimba.

Makwikwi aya akarongwa nesangano rakazvimirira reTambarimba Arts.

Muhurukuro nemutungamiri wesangano iri, VaDon Chidavaenzi vanoti donzvo ravo nderekusimudzira matarenda evana izvo zvinoenderana nechirongwa chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum.

“Dingindira redu regore rino rinoti, ‘Mhemberero nekusimudzira marimba.’ Mumakwikwi aya vana vezvikoro zvakasiyana vakataridza matarenda avo ekuridza marimba sezvo vamwe zvemabhuku zvinovakunda,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Isu zvave kutinakirawo kuti tave kuwana mukana wekusimudzira chirongwa cheNew Curriculum semasangano akazvimirira tichidzorerawo kunharaunda dzinotitsigira mubasa redu.”

VaChidavaenzi vanoti zvakakosha kusimudzira matarenda evana akasiyana sezvo vamwe vachikwanisa kuwana raramo kubva maari mune remangwana.

“Mumadopiro aya zvakare vana vanodzidza zvakawanda pamusoro petsika nemagariro edu pasichigare. Takawana vana vechikoro vane matarenda avo vatichabatsira kuti vawane mukana wekunoridza nekukwikwidza kune dzimwe nyika,” vanodaro VaChidavaenzi.

Zvimwe zvikoro zvepuraimari zvakawana mibairo pamakwikwi aya zvinosanganisira Chiremba Primary yekuEpworth muHarare, Gokwe St Agness Primary neCrittenden Mt Zion Primary zvose zvinove zvekuGokwe.

Pazvikoro zvesekondari, Still Waters High 1 neStill Waters High 2 zvekuEpworth zvakadadisa nekuhwapura mibairo.

Mamwe emasangano akabatsira mukutsigira chirongwa ichi anosanganisira National Arts Council of Zimbabwe, Zimbabwe Tourism Authority, Population Services International (PSI) neTeachers Furnitures.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×