Titambire, mauya muGroup remapenzi
naIgnatius Mabasa — GROUP remapenzi repaWhatsApp rakakiriyetwa (rakavambwa) mumwe musi husiku! Ini pandakazomuka ndakashamisika kuona ndiine mameseji anoda kusvika ku500 egroup iri, uyewo group racho rakanga riine vanhu vaidarika 300!
Vechidiki vane hiv vova netariro
Muchaneta Chimuka — AINE makore 10 kuberekwa, Chipo (harisi zita rake chairo) akarasa tariro yekurarama mushure mekuzvarwa aine utachiona hweHIV pamwe nekushaikirwa naamai vake.
Mwana akaitwa kafira mberi
Kingstone Mapupu — MWANA wemakore manomwe okuberekwa wekudunhu raMambo Nyamhondo, kuMberengwa anonzi apedza mwedzi mina achirapwa muchipatara cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo mushure mekutemwa mumusoro naamainini — mukadzi
Anorara nebanga mumagumbeze
Lizzy Mushoriwa — MUMWE murume anonzi anorara nebanga mumagumbeze iro anenge achida kubaisa mudzimai wake uye rimwe zuva akambomubata pahuro achida kumucheka naro akamuti anamate munamato wake wekupedzisira apo akazonunurwa
Munhu haafe kunge huku
VAKURU vakareva pavakati mushonga wengozi kuiripa! Chirevo ichi chinozadzikiswa nenyaya yatinayo svondo rino – nyaya yemwana anonzi akapondwa ndokuchekereswa kuitwa mushonga wedivisi rekurima uyo ane ngozi yave kupfuka,
Fodya yowanisa mabasa
Buhle Nkomo — “MURUME wangu akarasikirwa nebasa rake apo aishanda semubatsiri pane imwe kambani yakazovhara kuBulawayo,” vanodaro Mai Taipa Ngoshi (45) vanove murimi kupurazi reMaunga kuKaroi.
Dauda orongera ramangwana
Abel Ndooka — MUTAMBI wenhabvu weYadah Stars nemaWarriors – Dennis Dauda – anoti zvakakosha kuti vatambi vagadzirire ramangwana ravo kuburikidza nekutanga mabhindauko akasiyana.
Gomarara redundiro rocherechedzwa
Muchaneta Chimuka — SANGANO reAssociation of Urological Surgeons of Zimbabwe rakatara mazuva ekubvira musi wa18 kusvika 23 mwedzi uno (Gunyana) semazuva makuru akakosha ekucherechedza varwere vegomarara redundiro.
Ngozi yemwana Yopedza dzinza
— ‘Makandiponda mukandiisa muhozi’ —‘Zvino rwendo rwuno tinopedzerana’ Kingstone Mapupu — NGOZI yekamwana kekwaMurehwa kaive nemakore matatu okuberekwa — ako kanonzi kakapondwa, mutumbi wako ndokuchekereswa semushonga wedivisi rekurima mugore ra1960 –…
Nakirwa nezvikanganwahama
ZVIKANGANWAHAMA kudya kunonaka zvikuru uye kwemazera ose panzvimbo dzakaita sepamafaro kana mudzimba.









