Zvikoro zvitsva zvovakwa

Tandayi Motsi — GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti hurongwa hwekuvakwa kwezvikoro 17 (satellite schools) – 11 zvepuraimari nezvitanhatu zvesekondari – kumatunhu masere enyika pasi pechirongwa chemari

Zvemadhirama zviri muropa: Muchaneta

SHASHA yemitambo yemadhirama nekuimba Kessia “Muchaneta” Musonda anoti kushanda nesimba uye nekuziva Mwari ndiko kwaita kuti akwanise kusvika paave parizvino.

Gomarara redundiro rinorapika

Lovemore Makurirofa — SVONDO rino kubva nomusi wa18 kusvika 23 Gunyana ivhiki rekucherechedza chirwere chegomarara redundiro.

Mapurisa akasungirwa huwori muKwayedza

Tendai Rupapa — MAPURISA matatu anoshandira kuchikamu cheConstabulary kuChitungwiza vakamiswa mudare vachipomerwa mhosva yekureva $30 semari yechiokomuhomwe kubva kumutori wenhau weKwayedza aida kunyora nyaya yemumwe murume

Odya mundiro imwe chete nenzou

Given Siakanoka ari kuKARIBA — MURUME anogara kuChirundu, kuKariba — uyo anonzi murwere wepfungwa — nguva pfupi yadarika akashamisa veruzhinji veko apo akadya chikafu pamwe chete nenzou yemusango pasina kana…

Kutengeserana mbeu kwave nyore

Muchaneta Chimuka — BOKA remubatanidzwa weCommon Market for East and Southern Africa (Comesa) – rakabatana nesangano reZimbabwe Seed Association – nguva pfupi yadarika mukuparura chirongwa chekutengeserana kwakanaka kwembeu pakati penyika

Bhuku idzva reScience and Technology

Munyori weKwayedza — KUTANGA gore rino, vana vepuraimari vave kudzidza chidzidzo cheScience and Technology.Ongororo yakaitwa yebhuku reVentures Primary Science and Technology Grade 3 inoratidza kuti ibhuku rakanyorwa uye rakapepetwa nehunyanzvi

Ofurufushwa nemusikana waakaramba

Gamuchirai Muzanenhamu — MURUME wekupomerwa kumitisa mumwe musikana iye aine mudzimai akazopotera kudare achiti musikana uyu ari kumufurufusha zvose nemukadzi wake.

Kacheche kakatsakatika mumba

Kingstone Mapupu — MUDZIMAI wekuZvishavane anoti akashaya neremuromo svondo rapera apo mwana wake mucheche akatsakatika mumba kuSt Mary’s, kuChitungwiza, umo maainge akarariswa husiku, ndokuzomuwana ari kumakuva eko.

Husiku ibofu, masikati anoona

Kingstone Mapupu — MUNYAYA inokahadzisa zvikuru, murume wekudunhu raMambo Svosve, kuMarondera, anoti anoita bofu husiku hwoga-hwoga, asi kukangoedza chete, anobva atanga kuona zvakanaka.

×