Munhu itsika nemagariro
MAZUVA ano vanhu vazhinji vari kuchema-chema nenyaya dzekuraswa kana kuti kusatevedzwa kuri kuitwa tsika dzevanhu vatema nevamwe vanhu. Kune zvikonzero zvakawanda zvinonzi ndizvo zviri kuita kuti vamwe vatarisire tsika dzakanaka…
Tsotsi dzvi richiba zvipikiri
Muchaneta Chimuka — MURUME wekwaSeke akanyara mudare zvekushaya pekupinda apo akakonwa nemhosva yekuba zvipikiri nemabhaudhi izvo zvakange zvakabatiswa mapuranga edenga remba yaiturikwa kuRiverside Park, kuChitungwiza.
Zvikoro 1500 zvoongororwa
— Tinoda kuziva mafambiro emari: Dokora Tandayi Motsi — GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo riri kuita ongororo pamusoro pemashandisirwo emari nezvikoro zvinosvika 1 500 kumativi mana…
Katsi pagedhi ndiyani?
Abel Ndooka — SVONDO rino mitambo yeCastle Larger Premier League iri kupinda muvhiki rechinomwe panguva iyo zvikwata zvizhinji zviri kurwira kuenda pamusoro pelog apo parizvino pakagarwa neHighlanders zvichitevera kukunda kwayakaita…
Rurimi rwemombe kunaka!
NYAMA yerurimi rwemombe mudya ndakasungwa kana ichinge yabikwa zvine unyanzvi uye inonzi yakakosha kuutano hwemhuri sezvo iine kudya kunovaka muviri semapuroteni.
Gudo vhuu ku‘small-house’
— N’anga inoworora vanotora vakadzi, varume vevaridzi Kingstone Mapupu — IMBOFUNGA izvi! Uri kusasana zvako nemudzimai kana nemurume wemuridzi — mungava mumba kana muhotera. Makaita “kunyn’ura” murudo kudaro, ndipo pamunoerekana moona…
Lazie Jnr orumbidza Chimombe
Abel Ndooka — MUIMBI weJazz – Lazarus Manengureni – uyo anonyanya kuzivikanwa saLazie Jnr, anoti vaimbi vari kusimukira saiye vanofanirwa kudzidza kubva kune vane mukurumbira vakaita samushakabvu James Chimombe kana…
Rudo rwedandemutande rwune njodzi muhupenyu
Tadiwa Nyatanga-Pfupa (Communications Officer for NAC) — NYAYA dzekupinda murudo nevadiwa vakasiyana kana kuti rudo rwedandemutande dzinosanganisira vanhu vakawanda vanenge vachipanana bonde nemunhu mumwe chete panguva imwe chete.
‘Mai mwana muri pfambi’
— ‘Kupiko, une shanje dzinobvira moto’ Lizzy Mushoriwa — VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe murume akati aimbova mudzimai wake ainyepa kuti anoda mari yekuchengeta vana vavo vatatu asi iye achida…
Kuongorora tupukanana pafodya
Yvonne Mutava — TUPUKANANA twakasiyana – kusanganisira makonye netumwe tunozivikanwa nekuti cigarette beetles – tunodya fodya zvakanyanya kunyangwe zvazvo turi tudiki apo inenge yakachengetwa isati yaiendeswa kumisika kunotengeswa.











