Musashungurudze vana: Papa Sodza
Abel Ndooka — SHASHA yemusambo weSodza Music, Walter ‘Papa Sodza’ Sonayi, anoti anorwadziwa zvikuru kuona vana vachishungurudzwa izvo zvakamutuma kutsikisa kambo kanonzi Child Abuse.
‘Inini kuchengeta mwana, waani?’
Gamuchirai Muzanenhamu — MURUME wekuendeswa kudare neaimbove mukadzi wake nenyaya yemendenenzi akatsika madziro achiti haakwanise kuchengeta mwana waanofungidzira kuti haasi wake, kunyangwe zvazvo mari yekumuriritira ainawo.
‘Huku dzechivanhu dzinopa pundutso’
Tandayi Motsi — SANGANO rakazvimirira reZimbabwe FreeRange Poultry Producers Association (ZERPA) rosimudzira varimi mukuchengeta huku dzechivanhu, hanga nematoki nedonzvo rekuvandudza raramo yavo.
NetOne pfacha nezvitsva
Malven Mugadzikwa — KAMBANI yeNetOne svondo rino yakaparura zvirongwa zviviri izvo zvakanangana kurerutsira veruzhinji kuti vakwanise kufambisa mashoko zviri nyore pamwe nekuita mabasa nemabhizimisi avo.
$600 yekuchengeta mwana mumwe
Gamuchirai Muzanenhamu — SAMUSHA vekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wavo achida kuti vabvise $600 yekuchengeta mwana wavo vakazozviroverera apo vakati dare rivatemere mari yavangabvisa sezvo vasina ruzivo rwemari yavanokwanisa kuwana
New Curriculum makeke: Kateera
Malven Mugadzikwa — CHIDZIDZO chemutambo mutsva weWoodball – chinova chimwe chezvidzidzo zvitsva zviri muNew Curriculum – chakaparurwa nguva pfupi yadarika mudunhu reHarare uye pari zvino vamwe vana vari mushishi kugadzirira…
Zim Cricket hutu kuSa
Abel Ndooka — CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai chakaenda kuSouth Africa uko chiri kunokwikwidza mumutambo we50-over quadrangular series nezvikwata zvinoti South Africa, India neIreland.
Mayweather, McGregor votatsurana
EDDIE Hearn anoti mutambo waFloyd Mayweather naConor McGregor shasha yeUFC hauenderane. Mayweather – uyo asina kumbobvira ambokundwa mutsiva – anonzi ari muhurukuro yekuti adzoke kuzorwa naMcGregor gore rino.
Barcelona yoda Bellerin zvakare
BARCELONA ine chishuwo chikuru chekutenga Hector Bellerin mwaka unotevera uye ichashandisa nyonga-nyonga iri kuArsenal kuti imudzore kuNou Camp.
EcoCash yobatana necabs
Muchaneta Chimuka — KAMBANI yeEconet yovandudza zvirongwa zvayo zvekufambiswa kwemari kuburikidza neEcoCash nekushanda pamwe chete nebhanga reCentral Africa Building Society (CABS) rinova rimwe remabhanga makuru muZimbabwe.










