Rurimi rwemombe kunaka!

NYAMA yerurimi rwemombe mudya ndakasungwa kana ichinge yabikwa zvine unyanzvi uye inonzi yakakosha kuutano hwemhuri sezvo iine kudya kunovaka muviri semapuroteni.

Svondo rino Mai Rumbidzai Mbizi vekuGokwe vanotitsanangurira mabikirwo erurimi rwemombe.

Zvinodiwa:

Rurimi rwemombe, garlic, munyu, mafuta matomatisi nehanyanisi.

Mabikiro?

Fashaidza rurimi rwemombe muchikari kwemaawa angaita maviri.

Ita izvi uchishandisa moto wakaderera.

Kana rwuchinge rwaratidza kupfava, bura ubvise rukanda rwekunze rwese.

Geza rurimi wocheka muzvidimbu zvakafanira.

Fashaidza nyama iyoyo zvakare kwemaminitsi makumi maviri.

Isa chidimbu chechipunu chegarlic nemunyu wakaringana.

Kana rwuchinge rwaibva, chibura ukange nemafuta mashoma kusvika rwatsvukira.

Gadzira muto parutivi kuburikidza nekukanga hanyanisi nematomatisi woisa godzamuto.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura unakirwe nemhuri.

Usavi uhu hunogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana mupunga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×