Mupositori dzvi achibira n’anga

… ‘Nzara ndiyo yandituma kuba’ … ‘Isisu hatibirwe zvekumhanya’ Kingstone Mapupu — VARUME vaviri — mumwe wacho mupositori weJohane Masowe — vekukohwa pavasina kurima apo vakanoba chibage mumunda wen’anga kuTafara, muHarare,…

AgriSeeds yakabura mbeu itsva

Muchaneta Chimuka — KAMBANI inouchika mbeu yeAgriSeeds yakabura mbeu itsva dzezvirimwa zvakasiyana iyo inonderana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Nzwisiso inoda nguva

Ticha Danga — MUKUEDZA kutsvaga chaita kuti musoro uteme, donzvo redu rinenge riri pakuda kuwana nzira dzekupedza nadzo dambudziko. Ongororo yemapepa akanyorwa inotibatsira kuti tione pane mhosho uye tigogadzira mhosho…

DeMbare, Kepe-kepe muhondo!

Abel Ndooka — KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino apo zvikwata zvinoti Dynamos, CAPS UNITED, Highlanders neFC Platinum zvinenge zvichirwira mukombe weIndependence CUP.

Ndichamuimbira kambo: Kapfupi

Kingstone Mapupu — MUIMBI ane mukurumbira uye ari mutambi wemusara (dhirama), Freddy “Kapfupi” Manjalima, anoti ane hurongwa hwekutsikisa kambo kari pamusoro pekunangwa kwaari kuitwa huroyi nemumwe wake, Charles Milisi “Marabha”…

‘Minyatso yangu yaiswinya’

Muchaneta Chimuka — MUDZIMAI wekwaSeke, uyo ari kurarama neutachiona hweHIV, akabatwa nemhosva nedare reko yekuyamwisa mwana wemuvakidzani wake ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15.

Akajutwa $300 ‘nemushandi’ weZesa

Muchaneta Chimuka — MUDZIMAI anoshanda semuuto akagurwa kunorira nemumwe murume uyo ainyepera kuti anoshandira kukambani yemagetsi yeZesa Holdings apo akabirwa $300 mushure mekuvimbiswa kuti aizogadzirirwa magetsi epamba pake.

Vanhu kwete zvinhu

MUMWE murume akaendeswa kudare nemhosva yekupa mwana wevaridzi pamuviri. Murume uyu akaudza dare kuti nhumbu ndeyake, uye kuti anoda mwana, asi haadi amai vemwana.

Nhava YeBenzi: Nyaya inosiririsa nekudzidzisa

naMorris Mtisi — NDIANI aiziva makore ose aya kuti pasi pane mari yengoda dakara Chiadzwa, kwaMutare, kwanyuka tsime dzedhaimondi kubva muvhu raMarure, Musikavanhu, Mwari muridzi wazvose?

Nyoka dzaimusveta ropa, uku n’anga ichimubhinya

Munyori weKwayedza — MUCHIITIKO chinokahadzisa zvikuru, imwe n’anga inonzi yakatema mumwe mudzimai nyora ichishandisa reza, ichibva yazosveta ropa raibuda, mushure ndokuburitsa nyoka idzo dzakasvetawo ropa iri senzira yekudzinga mamhepo, dare

×