‘Minyatso yangu yaiswinya’

Muchaneta Chimuka —
MUDZIMAI wekwaSeke, uyo ari kurarama neutachiona hweHIV, akabatwa nemhosva nedare reko yekuyamwisa mwana wemuvakidzani wake ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15.

Mupari wemhosva anoti akaita izvi nekuda kwekuti minyatso yemazamu ake yaiswinya.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts — Estere Chivasa — akabvisira musungwa uyu, Chipo Thandi (30) wemubhuku raChanakira, makore mashanu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Muchuchisi Loveti Muringwa akaudza dare kuti nomusi wa12 Kurume gore rino kwaChanakira, Thandi akaita zvinhu zvisina hanya apo akayamwisa mwana asiri wake mukaka achinyatsoziva kuti anorarama neutachiona hweHIV.

Mwana akayamwiswa uyu mucheche. Thandi akabvuma mhosva yake yekuyamwisa mwana wevaridzi pamwe nekuti ari kurarama neutachiona hweHIV.

“Mhosva idzi ndinodzibvuma. Ndakayamwisa mwana uyu kamwe chete mushure mekunge ndanzwa minyatso yangu ichiswinya uye ndinozviziva kuti ndiri HIV positive,” anodaro.

Panguva yaakange ari kutongwa ari mudare, Thandi akambonyepera kunge munhu ave kurasa njere izvo zvakaita kuti mutongi aite kuti anovhenekwa nemachirema maviri anoona nezvemashandiro enjere asi akaonekwa kuti munhu ane dzakakwana.

Amai vemwana uyu (zita tinaro) vakaudza dare kuti pazuva iri munguva dzemanheru, vakakumbira Thandi kuti avabatire mwana wavo apo ivo vainogeza.

“Pandakapedza kugeza ndipo pandakaona Thandi ari mushishi kuyamwisa mwana wangu. Paakandiona, akabva ajamba kubva pabhaketi raakange akagara achibva apinda mumba make ndokuchinja mbatya dzaakange akapfeka.

“Ndakamubvunza kuti sei anga achiita izvi, achibva atanga kuzviramba ndichibva ndanomhan’ara kumapurisa pamwe nekuendesa mwana wangu kuchipatara nekukasika uko akanopihwa mishonga yekudzivirira kubatira zvirwere,” vanodaro amai vemwana uyu.

Thandi akatongwa nemhosva yeAggravated Indecent Assault as Defined in Section 66 (1) (b) (i) of Reform Act Chapter 9:23 Indecent Assault.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×