Form 1: ‘Hazviite izvi’
VABEREKI vari kutambira zvakasiyana danho rakatorwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rekuti nzvimbo dzevana veForm 1 dzebhodhingi dzegore rinouya dzitsvagwe kuburikidza nekushandisa dandemutande (internet).
Mwana akazvarwa aine mazino, mazamu, ‘vhudzi’
VAGARI vekuKwekwe havana kana nechekutaura mushure mekunge kasikana keko kane makore 15 okuberekwa kabara mwana ane mazino 4, mazamu akakura anotobuda mukaka, vhudzi kusikarudzi nemaziso anojuja kubuda hurwa.
Kasikana koshura mare nekuimba
Trymore Muvhawa— KASIKANA kane makore 10 ekuberekwa kemuHarare koshura mare nekuimba nziyo dzechitendero uye parizvino kari mushishi yekutsikisa dambarefu rako rekutanga.
Delta yakapa varwere 12 000 kgs dzenyama
KAMBANI yeDelta Beverages svondo rapera yakapa rubatsiro rwenyama inosvika 6 140kg kuchipatara cheHarare Central Hospital, imwezve ine huwandu humwe chete uhu ndokupihwa kuMpilo Central Hospital.
Gabon: Ndevapi vari kuenda?
PANGUVA iyo chikwata chenyika chemaWarriors chiri kuita gadziriro dzekuenda kumutambo weAfrican Cup of Nations (Afcon) kuGabon gore rinotevera, mubvunzo une vatsigiri vazhinji pamwe nevaongorori venhabvu ndewekuti ndevapi vatambi vekumberi (strikers)…
Soya beans: Gwenzi remari
Philip Matombo— TINOKUKWAZISAI nemufaro varimi pachirongwa cheMudhumeni Mukuru. Svondo rino tichakurukura marimirwo esoya beans sezvo tany’ura mumwaka wacho kudai.
Hove dzakafashaidzwa
HOVE dzikabikwa nenzira yekufashaidzwa dzinonaka zvikuru. Svondo rino Mai Itai Makwevera vekuMasvingo vanotsanangura mabikirwo ehove idzi.
‘Vanotengesa mbeu yemukoto ngavasungwe’
KOMITI yedare reParamende inoona nezvekurima inoti iri kushushikana zvikuru nemakoronyera ari kutengesa mbeu yemanyepo pamisika yemikoto sezvo kuita kwakadai kuchikanganisa budiriro yemabasa ekurima kuburikidza nekuderedza goho.
Nyoka inoda vakadzi yakabatwa
ZINYOKA rerudzi rweshato — iro rinonzi rave nemakore 30 richishandiswa nechembere yekwaMurehwa kushinha nevakadzi nevarume — rakabatwa nechikwata chemaporofita nemusi weMugovera wadarika.
Grade Seven yakapaswa
VANA vakanyora bvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rino muzvikoro zvakasiyana vakaita kunonzi kutsvunha chaiko.











