Delta yakapa varwere 12 000 kgs dzenyama

KAMBANI yeDelta Beverages svondo rapera yakapa rubatsiro rwenyama inosvika 6 140kg kuchipatara cheHarare Central Hospital, imwezve ine huwandu humwe chete uhu ndokupihwa kuMpilo Central Hospital.Izvi zvinotevera dopiro rekugocha nyama iro raidaidzwa kuti Castle Larger Braai Day rakaitwa nguva yadarika muHarare apo pakaitwa gochi-gochi yenyama inokwana ma12 280kg neveruzhinji nedonzvo rekutsvaga rubatsiro rwezvipatara izvi.

Vachitaura kuHarare Central Hospital pakupihwa kwenyama iyi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanotenda rubatsiro urwu vachiti rwuchabatsira zvikuru mukusimudzira utano hwevarwere.

“Kana tichipihwa nyama yakawanda kudai, kureva kuti varwere vachabatsirikana zvikuru nekuti pachipatara pano panodyiwa 192kg dzenyama pazuva. Zvoreva kuti varwere vachatora masvondo anodarika matanhatu vachidya nyama iyi.

“Nyama yakakosha nekuti ine mapuroteni uye varwere vazhinji vane kudya kwavanonyorerwa nemachiremba kuti vange vachipihwa asi vanogona kunetseka kukuwana nekuda kwekuti kunenge kuchidhura,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoenderera mberi vachiti: “Asika, tinokurudzira zvakare kuti vanhu vawanze miriwo yemashizha nekuti inosimudzira utano pane kuwanza sadza. Tinovimba zvakare kuti varwere vepano vachave neKisimusi yakanaka nekuda kwemuriwo wavaunzirwa uyu.”

Panguva imwe cheteyo, Dr Parirenyatwa vanoyambira vanwi vedoro kuti vaderedze huwandu hwedoro ravanonwa vachiti zvinokanganisa utano hwavo. “Hatisi kuti vanhu ngavasanwa doro, asi ngavanwe zvine mwero. Pazuva, vanwi vedoro vanotarisirwa kunwa mapaindi maviri bedzi asi kazhinji kacho tinoona vamwe vachipfuura apa kakapetwa zvinova zvine njodzi. Kutyaira wakadhakwa zvakare kunokonzera rufu kuburikidza netsaona,” vanodaro.

Nyaya dzeutano, vanodaro Dr Parirenyatwa, dzinofanira kutsigirwa zvakanyanya kuti utano hunge huchisimukira.

“Zvipatara zvedu zvizhinji hazvichina mishonga yakakwana yakadai seyechiveve nemimwe uye sipo dzekugeza mbatya dzevarwere nezvekushandisa muzvimbuzi.

‘‘Kuti nyika isimukire, tinofanira kunge tiine dzidzo yakakwana, utano uye kusimukira kweupfumi hwenyika. Saka zvinorwadza zvikuru kuti mari inouya kuutano ishoma kwazvo. Tinototenda kuti Zimbabwe iri kuramba ichibudirira munyaya dzeutano ichitsigirwa nevagari vemo.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, chamangwiza weHarare Central Hospital, Mai Peggy Zvavamwe, vakatenda kambani yeDelta Beverages nerubatsirwo rwenyama yavakapihwa.

“Mari zhinji yatinoshandisa pachipatara pano inoenda mukutenga mishonga nechikafu.

‘‘Saka nyama yatapihwa tinotarisira kupedza mwedzi wose tichibikira varwere uye zvichabatsira mukuti vapore nekukasika. Pamusoro pazvo, hatichashandisawo mari pakutenga nyama,” vanodaro.

VaStanley Muchenje, vanove sales executive kuDelta Beverages, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vatsigire zvipatara zvikuru panguva ino apo nyika iri kutarisana nemhemberero yeKisimusi.

“Isu sekambani takaona zvakakosha kuti tibatsire zvipatara nenyama yakaenzana neyakadyiwa pazuva iri. Saka takakamura nyama iyi nepakati tikapa kuchipatara chino necheMpilo Central Hospital, kuBulawayo, kuti varwere vabatsirikane,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *