Kasikana koshura mare nekuimba

Trymore Muvhawa—

KASIKANA kane makore 10 ekuberekwa kemuHarare koshura mare nekuimba nziyo dzechitendero uye parizvino kari mushishi yekutsikisa dambarefu rako rekutanga.Nokutenda Dzobo, uyo ari kuita Grade 5 pachikoro cheSt Martins Convent, muHarare anoti zvekuimba chipo chagara chiri maari.

“Ini mhanzi yangu ndeye chitendero, ndine nziyo nomwe padambarefu idzva randiri kutarisira kutsikisa nguva pfupi iri kutevera. Nziyo idzi, dzinosanganisira mbiri dzinoti Boka Revana Vashe iyo ndinokurudzira vose vechidiki kuti ngatiisei remangwana redu kuna Mwari naJesu Kristu nekuti ndivo vanotigonesa. Imwe yacho inonzi Don’t Kill the Nation apo ndinokurudzira veruzhinji kuti vasakanganise hupenyu hwevana nekuti ndivo vatungamiri venyika vemangwana. Hupenyu hwavo hukakanganiswa nyika hakuna kwainoenda,” anodaro Nokutenda.

Anoti chinangwa chekuimba kwake ndechekupa tariro yakanaka kune vamwe vechidiki pamwe nekuvabatsira.

“Ini ndinogara kuChishawasha saka kune vamwe vabereki vanochengeteswa dzimba nevanhu vasati vapedza kuvaka nokudaro vana vevabereki ava havakwanise kuenda kuchikoro zvichida nekushairwa mari.

“Mwoyo wangu unorwadza kuona ini ndichienda kuchikoro ivo vakagara pamba.

“Dai Mwari vandibatsira ndakwanisa kuvabatsirawo,” anodaro Nokutenda.

Baba vake, VaAllen Dzobo, vanoti zvakakosha kuti vabereki vasimudzire zvipo zviri muvana vavo panguva iyo vanenge vari kuyaruka.

“Ini ndinotsigira zvikuru kuimba kunoita mwana wangu nekuti ndakaona kuti ndicho chipo chiri maari. Yakadarika nguva iyo vabereki taitora zvekuimba sezvinhu zvisina maturo, mazuvaano vazhinji vari kurarama nekuimba ikoku.

“Ndinofara zvakanyanya kuti isu sevabereki takaona chipo chemwana wedu achiri mudiki naizvozvo ticharamba takamira naye kusvika kwaanogumira,” vanodaro.

Zvakadaro, Nokutenda nguva yadarika akawana mukana wekuimba pashoo yaReverend Togarepi Chivaviro yeThank You Dinner muHarare yekupemberera kuhwapura kwavakaita mubairo mukuru wezvekuimba nziyo dzechitendero muAfrica yose weBest Collaboration song in Africa nekambo kanonzi Ebnezer.

Vachitaura pamusoro paNokutenda, Rev Chivaviro, vanoti ane chipo chikuru chekuimba icho chinofanira kusimudzirwa.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *