‘Tasunga 790 000’

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vasunga vanhu vanokwana 789 849 nekuda kwemhosva dzine chekuita nekutyora mitemo yeCovid-19 kubva mumwedzi waKurume 2020 kusvika zvino. Mashoko aya akataurwa nemutauriri…

Vanhu tevedzai mutemo – ZRP

Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuyambira veruzhinji kuti vatevedze mitemo yose yakadzikwa neHurumende mukuedza kumisa kupararira kweCovid-19 vachiti vari kushushikana zvikuru nevanhu vari kuramba vachityora mitemo iyi…

‘Kashinda kandakapihwa nen’anga kava nyoka’

Kingstone Mapupu MURUME wepapurazi reElstone Estate kana kuti Konzi Farm, pedyo nedhorobha reNorton, apatiswa musha zvekugara musango achitiza nyoka yaanoti inomunanzva uyewo nechipoko cheaiva shamwarikadzi yake yakashaya icho chaanoti chinomurova…

‘. . . regai kungochema’

VAIMBI venziyo dzechitendero – Robbie Mandiki naSmart Matewu – vari kupa kurudziro kuruzhinji, kusanganisira vemagitare nemadhirama, kuti vashandise maoko avo mukutsvaga raramo sezvo mabasa avo akanganiswa neCovid-19.

Kusimudzira dzidzo munguva yeCovid

SANGANO rinotsigira dzidzo, reEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI), rakaita musangano pamasaisai svondo rapera apo rainzvera nyaya dzemari yebhajeti redzidzo kunyanya munguva ino apo nyika iri pakati pekurwisa chirwere cheCovid-19.

Vakwegura vari panyatwa

Muchaneta Chimuka VANHU vakwegura vanonzi vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kuderera kwemasoja emiviri yavo izvo zvinoita kuti vave nyore kubatwa nezvirwere nokudaro zvakakosha kuti vange vachidzivirirwa zvakasimba kubva…

Covid yauraya 97 musvondo

Munyori weKwayedza VANHU 97 vafa nekuda kwechirwere cheCovid-19 mukati memazuva manomwe – kubva nemusi weChina svondo rapera kusvika neChitatu svondo rino – izvo zvabva zvakwidza huwandu hwevarwere vashaya nedenda iri…

‘NDINOMUTSA AFENDA NEWETI’

Kingstone Mapupu MURUME anogara mumusha weMbare, muguta reHarare — uyo anozviti akatemerwa mushonga wemangoromera — anoti anopa mishonga yekurwa kune vanoida uye munhu wose waanorova anofenda zvekuti kuti amuke, ndokunge…

Covid-19 nevanorarama neHIV

Dr Hellen Kabaya UTACHIONA hweHIV hunoparadza masoja emuviri ayo anobatsira mukudzivirira zvirwere. Kuva nemuviri wakagwinya kunobatsira mukurwisa zvirwere zvese zvinouya kusanganisira Corona Virus2 (SARS-CoV2). Nyanzvi dzinoona nezvesayenzi dzinoti dzichiri kunzvera…

Mvura yanetsa kuChitungwiza

Muchaneta Chimuka ZVISINEI nekuti chirwere cheCovid-19 chiri kubata nekuuraya vanhu munyika muno nepasi rose, vamwe vagari vekuChitungwiza vari kungoonekwa vachiita beswanwa vasina kupfeka mamasiki senzira yekuderedza kutapurirana denda iri. Dambudziko…

×
×