‘Dziviriro ndiwo mushonga mukuru’
Catherine Murombedzi DZIVIRIRA mwana wako kubva muutachiona hweHIV. Izvi zvinokwanisika kunyangwe amai vaine utachiona hweHIV mwana anogona kuzvarwa asina. Asi zvinogonekwa chete kana amai vakazvitakura vaongororwa ropa.
Pakuvhara gedhi . . . DeMbare iri pamberi
ACHANGE ari makuwerere svondo rino kunhandare dzakasiyana apo zvikwata zvose zvinokwikwidza muCastle Lager Premier Soccer League zvichitatsurana.
Makumbe, Chigwida vakarikitwa kusa
VATAMBI vetsiva vemuno vanoti Diana Makumbe naTawanda Chigwida vose vakakundwa svondo radarika mumitambo yavo yehushamwari iyo yavakakwikwidza kuSouth Africa.
‘Ndagura chipfambi’…Akamera ‘ruware’ atadza kubhadhara
MURUME wechidiki wekuMufakose, muHarare, anoti asvipira pasi zvekuita chipfambi zvichitevera kutsakatika kwakaita nhengo yake yesikarudzi kwemazuva gumi mushure mekunge agadzirwa neimwe pfambi yaakaramba
Musasarura vanorarama nehusope: Chikukwa
GURUKOTA reHurumende rinomirira dunhu reHarare Metropolitan Province, Cde Miriam Chikukwa, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasiyane nemweya werusarura kuvanhu vanorarama nehusope.
Africa ngairambe mahumbwe eicc
PANE pepanhau remasangano akazvimirira rakanyora musi uno kuti kubva President Mugabe vaita sachigaro wesangano reAfrican Union neSadc, vafamba nzendo gumi neshanu kuenda kunze kwenyika.
Makore 8 ari munhukadzi . . .
KWEMAKORE 8 – ehe masere – kubva paazvarwa, mwana uyu ange achinzi musikana, achitopfekedzwa mbatya dzechikadzi uye achirerwa sezvinoitwa vanasikana – PAZVOSE.
‘Koshesai Zunde raMambo’
MATUNHU akasiyana akakurudzirwa kuti akoshese chirongwa cheZunde raMambo icho vanhu vanorima zvirimwa zvinozoiswa mudura ramambo zvekubatsira nherera pamwe nevamwe vanotambura.
Stoke City yarambira naNzonzi
STOKE City inonzi yakaramba mari inosvika 3 miriyoni paunzi iyo yaida kubhadharwa neSevilla yekutenga Steven Nzonzi.
Mambo nen’anga tiba!…l Muzenda in’anga yenhema – Ishe l ‘Ndakanwiswa mushonga padare’
DAVID Muzenda – n’anga inobva kwaNembudziya, kuGokwe, asi achishandira kwaSeke – anoti akapotsa afira padare raMambo Seke nemusi weMugovera wadarika mushure mekunzi anwe waanoti mushonga waasingazive.











