Liverpool yotenga Danny Ings
LIVERPOOL yakabvuma kutenga Danny Ings kubva kuchikwata cheBurnley icho chakaburitswa muligi rePremier League apo pachapera kondirakiti yake kuTurf Moor musi wa1 Chikunguru. Mutambi uyu achaenda kuAnfield mwaka unotevera zvichitevera kuwirirana kwaakaita
Zvimbambaira: Chiratidzo chekuipa kwehondo
KANA vanhu vave kutaura nezvehondo yeChimurenga kune vanofunga kuti zvinhu zvisisina maturo nokuti yakapera. Hongu kwavari yakapera, asi vazhinji havana chido chokumboenda kunzvimbo dzinonzi hondo yacho yaitsviriridza. Panze pokuenda kuMozambique…
Fifa: Nyaya chaiyo iri papi?
FIFA yave zifa romukaka here? Nyaya dziri kuitika musangano guru rinoona nezvemutambo wenhabvu pasi rose, reFIFA, dzinosuwisa uyewo dzine mibvunzo yakawanda. Ngatiregei kuzviongorora sevanhu vakapfeka magogorosi, togumira pane zviri kuitika musangano…
A-LEVEL — pafunge: A-LEVEL — pafunge
Ticha Tichaziva CHITSAUKO 12 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Joe ainge aona zviri nani kuyamura Rudo pane kuti aende kunosunungura mweya inotambudzika. Sarah anobva auya, Joe ndokuita kuti vazivane. Joe anoti…
Oroverwa kuunza zvikomba pamba
Memory Lemani PANE mumwe mukadzi akaendesa aimbova murume wake kudare redzimhosva achimupomera mhosva yekumurova achimuti ari kuenda nezvikomba zvake kumba kwavo vana vavo vachiona. Tambudzai Chitsepo akamhan’arira aimbova murume wake, Aaron…
‘Redknapp odzokera kuWest Ham ‘
HARRY Redknapp akasununguka kudzokera kuWest Ham kunotora chigaro chasporting director asi hunge Rio Ferdinand akagadzwa samaneja kuchikwata ichi. MaHammers parizvino haana murairidzi zvichitevera kubva kwakaita Sam Allardyce uyo wavasina kupa imwe…
‘Unomwaya mishonga yechivanhu pachivanze’
Memory Lemani VANHU vaiva mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati aimbova murume wake ari kuuya kwaava kugara achimwaya mushonga munzira inoenda kumba kwake. Virginia Gwangwava akaudza mutongi weHarare Civil Court, Trevor…
Akaroverwa $1 re’airtime’
Memory Lemani PANE murume ari kupomerwa mhosva yekurikita mudzimai wake mushure mekunge atora $1 ndokunotenga “airtime” asina kumukumbira. Lois Munemo akaendesa murume wake, Richard Munemo, kudare reHarare Civil Court achiti…
Nhamo yanyatsokunya mawoko
KANA nhamo yanyatsokunya mawoko ehembe kuti irove vanhu, kunotsva matemo mipinyi ikasara. PachiRungu vanoti imbwa inenge yave kudya imwe imbwa, uye inenge isisina kana kurohwa nehana kuti ndiri kudya mumwe…
Muroora ogarisa vamwene mugomo… ‘Anondipumha Huroyi nekunditi Pfambi’
Memory Lemani VAMWENE vekusiya musha vachigara mugomo senzira yekuchengetedza runyararo pakati pavo nemuroora vakazokanda mapfumo pasi ndokupotera kudare mushure mekunge vaoneswa chitsvuku. Ronika Fuche akamhan’arira muroora wake, Tsitsi Rusike, kuHarare Civil…

