Rwiyo rwenyika

MASHOKO erwiyo rwenyika yeZimbabwe – Simudzai Mureza weZimbabwe – akanyorwa nemushakabvu Muzvinafundo Solomon Mangwiro Mutswairo ndokuzobatanidzwa kuva rwiyo naFred Changudega. Rwiyo urwu rwakatsiva rwaivapo, Ishe Komborera Africa, munaKurume 1994. Nechinangwa…

‘Tsvina yemunhu inopa munyama’

TSVINA yemunhu pachivanhu inonzi inoshandiswa zvinhu zvakasiyana, zvikuru sekuti munhu akaiitirwa pachivanze chake kana kuizorwa inopa minyama izvo zvinoita kuti agare ari chiseko chenyika.

BHORA PASI: YOGI

‘Ndizvo zvinoita mutambo’ MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu cheDynamos, David “Yogi” Mandigora, anoti zviri kuitika kuchikwata chake pari zvino zvekutatarika munhandare kana chichitamba nezvimwe zvikwata zvinowanikwa mumutambo wenhabvu asi ari kushanda nesimba…

CHIGUMURA HANDIKO KUGUMA KWEUPENYU

Vorarama nekuzvishandira Vamwe vava nemakambani

Chikwidziri: Gomo risingade shangu

MUZIMBABWE mune nzvimbo zhinji dzinoera idzo dzine mhiko dzekuti kana munhu akasadzitevedza anogona kusangana netsekwende. Kuti munhu asasangane “nazvo” anotofanira kutevedza zvinodiwamo.

Cleverley oita hurukuro

TOM Cleverley ari kuita hurukuro neEverton kuti aende kunotambira chikwata ichi, izvo zvinonzi zvine chiedza zvikuru mune remangwana ake.

Hwindi Akatiburwa Nenjuzu

Nyore Madzianike MUKADZI wekuEpworth, muHarare, uye wekuendesa mukuwasha wake kudare achiti akamubata mazamu nekudaro shavi renjuzu riri paari rinoda kuti aripwe, akasungwa svondo rapera nemhosva yekurova mukafazi munyaya iyi.

‘Ndakaberekeswa chidhoma’

‘Chinondiruma nekundiswinya’ MURUME wekuDzivaresekwa Extension, muHarare, anoti aoneswa moto kwemakore 11 nekurumwa muviri wose nezvinhu zvaasingaone.

Zvidzidzo zveSoftball zvoitwa

SANGANO reZimbabwe Softball Federation svondo rino richaita zvidzidzo zvekuvandudza ruzivo rwevarairidzi nevaridzi vepembe vemutambo uyu kumapurovhinzi anoti Manicaland neBulawayo.

TEZVARA VAKAGUMBATIRA MUROORA

Baba ndiripei mombe 5: Muroora Asika isu taifambidzana: Tezvara

×