KANA vanhu vave kutaura nezvehondo yeChimurenga kune vanofunga kuti zvinhu zvisisina maturo nokuti yakapera. Hongu kwavari yakapera, asi vazhinji havana chido chokumboenda kunzvimbo dzinonzi hondo yacho yaitsviriridza. Panze pokuenda kuMozambique kana kuZambia kune makuva ane vana vakaradzikwako, vauraiwa nehurumende yaIan Smith, vanokwanisawo kuenda kune dzimwe nzvimbo muno munyika dzavanonzwa kuti mabhunu aicherera zvimbambaira kana kuti mabhakuni sezvaanodaidzwa achiita kunzvimbo dzakaita sekuRushinga.
Zvimbambaira zvakauraya vanhu nezvipfuyo panguva yehondo, uyewo zvichiri kungodhuuka makore 35 mushure mokunge nyika yawana kuzvitonga kuzere.
Zvimwe zvimbambaira zvakachererwa kuma1970, zvokuti zvave namakore makumi mana zviri muvhu, asi munzvimbo zhinji mazviri, zvichiri nengozi nokuti vanhu kana mhuka zvikatsika zvinodhuuka.
Kana chinhu chikarasikira munzvimbo ine zvimbambaira, unotokanganwa nezvacho, nokuti kuchitevera rufu!
Dzimwe dzenzvimbo dzichiri nezvimbambaira zvakawanda dziri kumuganhu weMozambique neZimbabwe.
Dzimwe dzenzvimbo idzi dzinosanganisira kuMukumbura, Rushinga, Mutoko, Mutare, Chikwarakwara nePenhalonga.
Vana mazvikokota vanoti zviri nyore, uyewo hazvidye mari yakawanda kufutsira chimbambaira muvhu, asi kuzvibvisa nokudhuutsa pasina njodzi, pane nyaya, nokuti kunodiwa mari yakawanda.
Ndosaka Zimbabwe nenyika dzakaita seAngola neMozambique dzakatarisana nedambudziko iri, vari kutora nguva yakareba zvikuru kubvisa zvimbambaira kuitira kuti vanhu nemhuka zvifambe zvakasununguka.
Zvimbambaira zvinotadzisawo nyaya dzebudiriro nokuti kuzvibvisa zvinoda mazimari. Zvimwe zviri munzvimbo dzaigona kunge dzichirimwa.
Mune dzimwe nzvimbo mune zvimbambaira munogona kunge muine zvicherwa nezviwanikwa, asi zvinotadzika kuti zvizivikanwe nokuti, vapindamo, vafa.
Munyori wepepanhau reHerald Andrew Chimedza akanyora mazuva apfuura achiti pane sangano rokuJapan rinonzi Halo Trust rakapedza kubvisa zvimbambaira 6 000 panzvimbo inoita 180 000 square metres mumusha wokwaGomo kuMukumbura, mudunhu reMashonaland Central.
Vaongorori vanoti pane zvimbambaira 5 500 pa”square kilometre” yega yega munzvimbo mazvakadyarwa.
Pakanzvimbo ikaka kwaGomo pakadya mamirioni $1,7 kubvisa zvimbambaira. Sangano iri raive navashandi 153.
Mukuru weHalo Trust vaTom Dibb akati ibasa rinorwadza, rinoda vashandi vakawanda.
Vakatiwo ibasa rine njodzi uye rinonetsa, zvokuti kunofanirwa kuve navamwe vanhu vanodzidziswa kuparadza zvimbambaira kuitira kuti vanhu vawane mukana wokunochera mvura, uyewo kuti zvipfuyo zviwane mafuro.
Mumiriri wenyika yeJapan muZimbabwe, VaYoshi Tendai Hiraishi, vachitura mashoko okutenda Halo Trust nebasa ravakaita, vakati zvichaita kuti vana vakwanise kuenda kuchikoro pasina njodzi, uyewo kuti vanhu vachakwanisa kurima, zvipfuyo zvichichengetedzeka.
Zvinonziwo kubva mugore ra2012 mauto eZimbabwe National Army aparadza zvimbambaira zvinosvika 10 000, uyewo kusvika pari nhasi, kwaparadzwa zvimbambaira zvinosvika 200 000 muZimbabwe. Zimbabwe National Army inobatsirwawo namamwe masangano okunze akaita seHalo Trust kupedza dambudziko iri.
Sangano reUnited Nations rinotiwo gore rimwe nerimwe zvimbambaira zvinouraya vanhu 15 000 kusvika 20 000 pasi rese, kunyanya vana, madzimai nevakwegura. Vazhinji vavo vanosiiwa vave zvirema. Dzimwe nyika dziri padambudziko iri iAfghanistan neColombia.



