N’anga nemaporofita voyambirwa
Memory Mangombe N’ANGA nemaporofita vari kuyambirwa kuti vaite basa ravo nemazvo pasina kumbunyikidza varapwa uye nekuona kuti nzvimbo dzavanoshandira dzakatsvinda kuitira kudzivirira kupararira kwezvirwere.
Usain Bolt agadzirira
SHANGWITI yemujaho wekumhanya yekuJamaica, Usain Bolt, anoti akapedza kugadzirira makwikwi ariko nguva pfupi inotevera eWolrd Championships uye acharwa semvumba kuti ahwinhe.
Musakanganwe rudo rwemagamba
PANE mufaro unobatika mumaoko semwana. Mufaro iwoyo unopupuma sefuro resipo yakawanda. Ndakauona musi wawana Zimbabwe rusununguko. Takanga tichiri vadiki, asi takaona nhoroondo yenyika ichiitika. Zvizhinji
Akafa auraya nyoka ‘yemunhu’
MURUME wekwaMajero, pedyo nechikoro cheGorwa Primary School, kwaMusana, anonzi akafa zvisinganzwisisike apo ainge achangobva mukuuraya nyoka isina kuzivikanwa rudzi rwayo.
Sterling amire pakaoma
LIVERPOOL inoti ichakurukura naRaheem Sterling mushure mekunge pabuda vhidhiyo yake achitora zvinodhaka zvisingatenderwe zvinonzi nitrous oxide.
Di Maria odzokera Madrid?
MUTAMBI weManchester United, Angel di Maria, anonzi anogona kudzokera kuReal Madrid mwaka unotevera atengeswa kuti chikwata chake chitenge mumwe anotamba, sekutaura kwaTerry Gibson.
GRADE 7: Tsumo dzakadzama
Ticha Danga TSUMO inoti “Kari pako ikonje rinofunda neChirimo” inotidzidzisa kuti munhu ane twake ari panzvimbo pake kana pamusha pake anogona kuzvinunura kana akasvikirwa nedambudziko semunhu anenge ari pamusha pake.…
Uhuru Basketball Tournament yoitwa
KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kutanga musi weChishanu kusvika neSvondo paBelvedere Sports Club, University of Zimbabwe nepaRichwood Sports Club kumutambo weIndependence Day Basketball Tournament. Mutambo uyu uchange uine zvikwata 62…
‘Yaisava nyoka, mishonga’
NYANZVI munyaya dzezvechivanhu dzinoti murume wekufa kwaMusana mushure mekunge arova nyoka, yaisava nyoka chaiyo asi kuti mishonga yemabasa ehuroyi.
O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMOYO: Monika anozotaurira Tendai zvaimunetsa
Chitsauko 11 (Ongororo: Enderero mberi) Muchitsauko ichi tinoonawo munyori achishandisa musambo wetsumo kuti ape udzamu kune zvinenge zvichitaura. Izvi tinozviona papeji 59 vanhu kana tichiita zvinhu, zvinoda kuti tiise misoro…



