Barika ramuonesa chakati tende

Garnet Zvimba NYAKUITA barika akazopotera kudare achiti aoneswa chakati tende nanyachide wake uyo anomufurusha pamwe nekuudzwa pachena kuti mudzimai wake uyu ane zvikomba.

A-LEVEL — PAFUNGE: Josiah kamambara

CHITSAUKO 8 (Ongororo) Muchitsauko ichi tinodzidza nezvetsika nemaitiro evanhu. Tichangotanga chitsauko ichi tinoudzwa kuti “patsika Josiah kaiva kamambara komumhu.

Imba isingadi roja, inoririma moto

VAGARI vekuRuvimbo Park, kuMarondera, vanoti vari kushamiswa nemoto unongotanga kubvira woga pane imwe imba uye panguva dzehusiku pamba apa panodashurwa kurohwa vanhu, magonhi achiroverwa nezvinhu zvisingaonekwe.

‘Hwindi wekombi anoda kuva mutano’

SANGANO idzva rinomirira vatyairi vemakombi, vemabhazi pamwe chete nemahwindi, reZimbabwe Union of Drivers and Conductors, rinoti rinokoshesa zvikuru utano hwenhengo dzaro uye chishuwo charo ndechekuti vabatsirwe panyaya dzeutano kubirikidza nekurapwa…

Mazinyoka kumakuva eku’Unit L’

. . . Vanhu vari kufurufushwa KUNE nyoka huru dzinonzi dziri kudzingirira vamwe vevanhu vanenge vaenda kumakuva ekuUnit L, kuChitungwiza, kunoviga hama dzavo kana kunoona pakaradzikwa vadikani vavo.

Tsigirai volleyball: Tanyanyiwa

MASANGANO akasiyana akakurudzirwa kuti abatsire mukusimudzira chikwata chevanhurume cheZRP Support Unit Volleyball Club mugadziriro dzacho apo chakatarisana nekuenda kumutambo weRegion Five Confederation of African Volleyball Championships kuSwaziland

Seed Co yakahwapura mubairo

KAMBANI ine mbiri yekuuchika mbeu munyika yeSeed Co yakapihwa mubairo mukuru wekugona basa weZimbabwe’s Outstanding Organisation of the Year, Agro Based munguva pfupi yadarika.

Bambo aikurasisa bedzi: Msiska

Akanwisa ka12 kubva pakona MUMUTAMBO wenhabvu, kashoma kunzwa kana kuona mutambi achinwisa bhora mushure mekunge arova mugadzikirwa wekona, sezvakaitwa nemutambi wemuno kuSouth Africa, Denvar Mukamba svondo rino.

Sabhuku wechikadzi ndiye ari panyanga

HURUMENDE iri kurumbidzwa nematanho ayo akananga kusimudzira vanhukadzi kuburikidza nekuvapa mikana yakaenzana nevanhurume muzvikamu zvakasiyana zvakaita sekuva masabhuku, masadunhu kana madzishe.

Shamwari, sipo yakakumirira

NGUVA zhinji vana vanoenda kunotamba bhora, mahumbwe, dunhu, rakaraka, bottle-game, chihwande-hwande nemimwe mitambo yevechidiki. Kana vakaenda kunotamba, isu vabereki tinovakanganwa vachiita zvinhu zvavo, vachinakidzwa.

×