N’anga nemaporofita voyambirwa

Memory Mangombe
N’ANGA nemaporofita vari kuyambirwa kuti vaite basa ravo nemazvo pasina kumbunyikidza varapwa uye nekuona kuti nzvimbo dzavanoshandira dzakatsvinda kuitira kudzivirira kupararira kwezvirwere.

Kurudziro iyi yakaitwa naSadunhu Musonza vekuGoromonzi, VaKufandada Rodgers Musonza (61) pamusangano wakaitwa pakati pevatungamiriri vematunhu nen’anga nemaporofita muHarare nguva pfupi yadarika.

“Dzimba dzenyu dzamunoshandira ngadzive dzakatsvinda, dzakachena kuitira kuti musaise utano hwevarapwa panjodzi,” vakadaro Sadunhu Musonza.

“Mukaona muine zvirwere zvamusingagone kurapa munofanira kubuda pachena moona kuti varwere ava vaenda kuzvipatara.”

Vanoti zvakakoshawo kuti n’anga nemaporofita vakurudzire vanhu vavanenge vachibatsira kuti vaongororwe ropa kuti vazive pavamire maringe neutano hwavo panyaya dzeHIV neAids.

Sadunhu Musonza vakashora tsika inoitwa nevamwe vanachiremba vechivanhu yekumbunyikidza vanhukadzi kuburikidza nekuvabhinya kana kushandisa dzimwe nzira dzisina tsarukano apo vanenge vachinyepera kuti vari kuvabatsira.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×