Uhuru Basketball Tournament yoitwa

KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kutanga musi weChishanu kusvika neSvondo paBelvedere Sports Club, University of Zimbabwe nepaRichwood Sports Club kumutambo weIndependence Day Basketball Tournament.

Mutambo uyu uchange uine zvikwata 62 zvichakwikwidza zvinoti 40 zvevarume pamwe ne22 zvemadzimai.

Aka kachange kari kechipiri mutambo uyu uchiitwa kubva pawakatanga.

Gore radarika, zvikwata zvevarume ndizvo zvega zvakakwikwidza apo cheCameo Man chakasimudza mukombe wemutambo uyu. Zvikwata zvichakwikwidza ndeizvo zviri mumaligi emuHarare eA neB League kozoti zvimwe zvakadanwa kubva kune mamwe mapurovhinzi zvinoti Mercury (Mutare), Lakers neMaverick (Bulawayo) uye neUnicorns (Gweru).

Sachigaro wekomiti yeBob 91 Organizing Committee iyo iri kuronga mutambo uyu, Tendai Zhakata uyo vazhinji vanoziva saT-Burns, anoti achange ari makuwerere svondo rino kumutambo uyu.

T-Burns anoti mutambo uyu wakura kudarika gore radarika.

“Achange ari makuwerere ega svondo rino paBelvedere, UZ nekuRichwood uko kuchange kuchitambirwa mutambo wedu weIndependence Day Basketball Tournament.

“Gore rino mutambo wedu uyu wakura, tichange tine zvikwata zvemadzimai izvo zvichakwikwidzawo. “Svondo rino tine zvirongwa zvakawanda chaizvo zvekufadza vatsigiri vebasketball avo vachauya kuzoona mutambo uyu,” akadaro T-Burns.

Zvakadaro, chikwata chichakunda zvimwe chichahwiniswa mari inosvika US$500, menduru dzegoridhe pamwe nemukombe.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×