Chabvondoka kuHarare Mayor’s Challenge Cup Taekwondo Championship

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa nemusi weMugovera neSvondo paCity Sports Centre, muHarare apo shasha dzetaekwondo dzichabandana mumutambo weHarare Mayor’s Challenge Cup Taekwondo Championship.

Mutambo uyu uchaona shasha dzinobva kunyika dzakasiyana dzemudunhu reSADC dzichikwikwidza.

Sachigaro weHarare City Martial Arts Club – Sensei Martin Chimombe – anoti mutambo uyu wakakosha zvikuru nekuti uchabatsira vatambi kuti vetaekwondo vagosimukira.

“Tine Mufaro mukuru kuti mutambo weHarare Mayor’s Challenge Cup Taekwondo Championship wadzoka zvakare uye gore rino shasha dzemartial arts dzichange dzichibandana.

“Gore rino, mutambo wedu uyu mukuru chaizvo nekuti tiri kutarisira shasha dziri kubva kunyika dzakasiyana dzemuSADC, vatambi vanosvika 200 kuti vagouya kuzokwikwidza,” anodaro.

Sensei Chimombe anoti parizvino vatambi vanobva kuEswatini vakatonyoresa kuti vazokwikwidza pamutambo uyu asi vari kutarisira vamwe vachabva kunyika dzinosanganisira South Africa, Botswana, Mozambique uye Namibia.

“Kuuya kwevatambi vanobva kune dzimwe nyika kuchabatsira zvikuru kuti tione kuti vatambi vedu vari kusimuka zvakadii mutaekwondo,” anodaro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×