Abel Ndooka
NZIRA dzose dzichange dzichinanga kunhandare yeBarbourfields, kuBulawayo, nomusi weSvondo uno apo zvikwata zvakarimirana kumuganhu, Highlanders neDynamos, zvichatatsurana mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League (PSL) Matchday 31,
uyo vazhinji vanodaidza kuti Zim Derby.
Mutambo uyu wakakosha zvikuru kuzvikwata zviviri izvi. Nokudaro, zvose zvicharwa semvumba kuti zviwane zvibodzwa zvitatu sezvo zviri kurwirawo kuti zvisaburitswe muPSL pakupera kwemwaka uno.
Pari zvino, Bosso yakagara pechipfumbamwe palogo rePSL iine zvibodzwa 35 kubva pamitambo 30, kuchiti DeMbare ine zvibodzwa 33 kubva pamitambo 30.
Naizvozvo, zvikwata zviviri izvi zvine tarisiro yekushandisa mutambo uyu kuti zvisimukire palogo sezvo pasara mitambo mina kuti mwaka wa2025 upere.
Pamutambo uyu, murairidzi weDeMbare, Kelvin Kaindu, achange achisangana neBosso, iyo yave kutungamirirwa naPieter de Jongh, kekutanga kubva zvaadzingwa nechikwata ichi mwedzi yadarika.

Kubva zvaaenda kuDynamos, achinotsiva Saul Chaminuka, Kaindu ari kuita zvidavado, izvo zvaita kuti ahwinhe mubairo weCoach of the Month kaviri.
Nerimwe divi, chikwata chake chakatangawo kusimukira palogo, chichibuda murelegation zone.
Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, musi weMugovera kuchange kusingadanwi anonzwa kuRufaro Stadium, muHarare, uko zvimwe zvikwata zviviri zvakarimirana kumuganhu, Scottland neMWOS, zvichasangana mumutambo unotarisirwa kuva mutakunanzva.
Zvikwata izvi pazvakasangana kekutanga mwaka uno kuNgoni Stadium, kuNorton, MWOS ndiyo yakahwinha mutambo uyu. Nokudaro, svondo rino, Scottland ichange ichida kutsividza kukundwa kwayakamboitwa.
Scottland pari zvino ndiyo iri kutungamira palogo rePSL iine zvibodzwa 59. MWOS yakagara pechitatu iine zvibodzwa 55.
Shasha yePSL yemwaka wadarika, Simba Bhora, iri kunanga kuBaobab Stadium kunotamba neNgezi Platinum nomusi weMugovera.
Kwenguva ndefu, Simba Bhora ndiyo yaimbotungamira palogo rePSL asi yakazokuduburwa masvondo adarika; pari zvino yakagara pechipiri iine zvibodzwa 56 kubva pamitambo 30.
Iri kudzingirirana neScottland munhangemutange yekurwira mukombe wePSL wemwaka wegore rino.




