Chabvondoka kuZimSports4ED tournament

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwi anonzwa musi weMugovera svondo rino paLord Malvern School, kuWaterfalls, muHarare, apo zvikwata 10 zvinobva kumapurovhinzi akatsaukana-tsaukana zvichakwikwidza paZimbabwe National Sports Promotion for Economic Development (ZimSports4ED) tournament.

Zvikwata izvi zvichatatsurana mumitambo inoti nhabvu, netball, rugby, snooker, karate netenesi.

Achitaura svondo rino, secretary for strategy and implementation kuZimSports4ED — Gilbert Muponda — anoti gadziriro dzemutambo uyu, unove wekutanga, dzave padanho repamusoro uye, sesangano, vari kumhanya-mhanya kuti ubudirire.

Muponda anoti sangano re ZimSports4ED rakaumbwa nechinangwa chekusimudzira mitambo yose inotambwa munyika uye kupa vatambi vakasiyana-siyana, kunyanya vechidiki, mikana yekusimukira mumitambo nekuvabvisa mune zvinodhaka.

“Gadziriro dziri kufamba zvakanaka takatarisana nemutambo wedu mukuru weZimbabwe National Sports Promotion for Economic Development (ZimSports4ED), uyo uchange uine zvikwata 10 zvichabva kumapurovhinzi akasiyana-siyana, izvo zvichauya kuzokwikwidza, zvichirwira                                               mibairo.

“Isu chinangwa chedu seZimSports4ED kusimudzira mitambo yakasiyana-siyana pamwe nevatambi, vachiwaniswa mikana yokuti vagosimukirawo mune zvemitambo.

“Mitambo inobhadhara; ine mari, saka isu tiri kuda kuti vana vatambe mitambo, vagoita mari uye vagochengeta mhuri dzavo sezviri kuitwa kune dzimwe nyika. Hongu, tinoziva kuti chikoro chakakosha, asi vabereki vanofanira kukoshesawo zvakare matarenda ane vana vavo; vamwe vane matarenda ekutamba mitambo. Nokudaro, isu tinoti zivai matarenda evana uye moasimudzira,” anodaro Muponda.

Anoenderera mberi achiti gore rino mutambo uyu uchaitirwa muHarare asi mumwedzi inotevera vachange vave kufamba kumapurovinzi akasiyana-siyana.

“Tichafamba kumapurovhinzi, tichironga mitambo yakaita seiyi nokuti isu muono wedu ndewokuti tinoda kuti mumapurovhinzi ose munge muine inonzi school of excellency, apo vana vanenge vachienda kunoita zvidzidzo zvavo; vapedza, votanga kudzidziswa zvemitambo.

“Nekuita izvi, tine chivimbo chokuti tichabika vatambi vepamusoro vemitambo, avo vachazosimudza mureza wenyika yedu. Zvose izvi tiri kuzviita tichifambidzana nemuono waPresident Mnangagwa weVision 2030,” anodaro Muponda.

Zvikwata zvichahwinha pamutambo uyu zvichazopihwa mibairo yazvo musi weMuvhuro uri kutevera (15 Gunyana) pazuva rekupemberera Munhumutapa Day.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *