Chakachaya muZim Derby

Abel Ndooka

NZIRA dzose dziri kunanga kuRufaro Stadium, muHarare, nomusi weSvondo apo zvikwata zvakarimirana kumuganhu — Dynamos FC neHighlanders — zvichasangana mumutambo unozivikanwa nokuti Zim Derby muCastle Lager Premiership Soccer League (PSL) Matchday Two.

DeMbare neBosso zvagara zvichizivikanwa kuti hazvionani panyaya dzenhabvu, nokudaro mutambo uyu unotarisirwa kunge uchinakidza zvekukunda ngoma kurira.

Ndiwo mutambo mukuru uchange wakatarisirwa nevatsigiri venhabvu zvichitevera kutanga kwakaita mitambo yePSL svondo radarika.

Mumitambo yokutanga yakatambwa yePSL, chikwata chaGenesis “Kaka” Mangombe, DeMbare, chakakunda TelOne FC 2-1 kuAscot Stadium, kuGweru; kuchiti Bosso — iyo iri kutungamirirwa naBenjani Mwaruwari — yakaita mangange 1-1 neBulawayo Chiefs mumutambo weBulawayo Derby, uyo wakatambirwa kuBarbourfields.

Zvikwata zviviri izvi zvinotofanirwa kutokunya dzisimbe svondo rino kuti zviwane zvibodzwa kubva pamutambo uyu nokuti gore rino mitambo yePSL ichagona kuoma sezvo zvikwata zvizhinji zvakatenga shasha dzevatambi.

Shasha yePSL, Scottland FC, svondo rino ichange iri pamusha, kuRufaro, musi weChishanu chino apo ichasangana neNgezi Platinum Stars.

Scottland FC yakatanga kurwira kuchengetedza mukombe wayo wePSL nekuita mangange 0-0 nevakomana vatsva veHardrock FC svondo radarika.

Nerimwe divi, Madamburo yakahwinha mutambo wePlatinum Derby zvichitevera kukunda kwayakaita FC Platinum kuBaobab Stadium.

Yaimbove shasha yePSL, Simba Bhora, ichange iri pamusha payo kuWadzanayi Stadium, kuShamva, uko ichasangana nevakomana vatsva vemuPSL, veHunters FC.

Go Buju Go, mumutambo wayo wokutanga muPSL mwaka uno, yakakunda Manica Diamonds FC 1-0 kuGibbo Stadium.

Nerimwe divi, Hunters FC yakarwisa kuita mangange 0-0 neMWOS FC kuRufaro, muHarare.

Green Machine, kana kuti CAPS United, ichange iri pamusha musi weMugovera apo ichatatsurana neHerentals uye FC Platinum ichasangana neManica Diamonds musi weMugovera zvakare kuMandava Stadium

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×