‘Chako kuzvara vana’

Courtney Munodawafa
MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kuoneswa pfumvu ne”small-house” yemurume wake iyo inomufonera siku nesikati ichimutuka nezvinyadzi uye nekumuudza kuti basa rake nderekuzvara vana nekuwacha iyo ichisanana nemurume.

Yeukai Gwidibira akamhan’arira Mirriam Rudongwa kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

Gwidibira anoti Rudongwa ari kumushaisa rugare nekumufonera pose-pose.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Gwidibira gwaro rinomuchengetedza.

“Mudzimai uyu i’small-house’ yemurume wangu. Anondishungurudza achindituka zvinyadzi nekundityisidzira. Ane manhamba hobho aanofona nawo kana kutumira mameseji achindituka nezvinyadzi.

“Akambotumira meseji kuti ndiudze murume wangu kuti auye kuzotora foni yake nekuti ainge anzwa nekushushwa nedzimwe pfambi dzemurume wangu,” anodaro.

Gwidibira anoenderera mberi achiti, “Anogona kufona manheru, ukadaira otanga kuseka hake. Akandiudza kuti basa rangu nderekuzvara nekuwacha, rake kudanana nemurume. Ngaasandifonera kana kutumira mameseji.”

Achipawo divi rake, Rudongwa anoti haazive Gwidibira uye akatotanga kumuona musi wauya masamanisi ekudare apo akamutevera achida kumurova.

“Amai ava handivazive, ivo ndivo vakandifonera vakandituka kubvira 2017, ndatotanga kuvaona nhasi. Murume wavo ndakamutorera foni nekuti ainge atora mabhuku akasabhadhara. Vakazofona pafoni iyoyo ndakavaudza kuti muridzi abuda asiya foni, vakandituka,” anodaro.

Rudongwa anoti akambodanana nemurume waGwidibira asi akazorambana naye mushure mekunge aona kuti aive nepfambi dzakawanda dzaaifambidzana nadzo.

“Hongu, murume wavo ndakambodanana naye ndikazoona aine pfambi dzakawanda, ivo ndivo vaindituka pamameseji ini ndopindurawo. Hongu, ndaitumira mameseji,” anodaro.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×