Chembere yakabviswa mazino neharahwa

Sandy Musungata
MUSHARUKWA wekuenda kudare reHarare Civil Court achida kuti rimise kubhadhara kwaaiita mari yemendenenzi akabva kudare uku achipembera zvichitevera kutambirwa kwakaitwa chikumbiro chake. Josiah Chisakarire akazvuvira mudzimai wake Florence Chisakare kudare iri achida kuti mutongo waivepo we$40 pamwedzi yekumuchengeta umbomiswa achiti akanga asisina mukana wekuwana mari iyi.

“Changamire, ndinokumbirawo kuti mumise mutongo nekuti handichashandi nekuda kwehurwere uye basa ndakamiswa kare,” akadaro Josiah.
“Ndiri kutochengetwa nemwana nekuti ndava murwere, handina chimwe chandichagona kuita saka kuti nditi mwana iyeye andipe futi mari inoenda kuna amai ava hazviite uye ndava nemumwe mudzimai anova ndiye ari kutondichengeta.”

Florence akaramba kuti chikumbiro ichi chigamuchirwe achiti:
“Anogoti amiswe kubhadhara mari iyi sei? Anoti ndinoitawo sei, tarirai ndachembera zvekare mwedzi miviri pashure haana kumbondipa mari yacho. Kana achiti akasiya basa nekuda kwehurwere ngaachindipa chikamu pamari yaakapihwa yekusiya basa nekuti ma‘benefits’ iwayo akatopihwa chete.

“Chimwezve chinondinetsa ndechekuti achazenge achiita sei nekuti ane mumwe mudzimai? Semachengetero aanenge achiita mukadzi iyeye ngaadarowo neni. Ndinozviziva ane zvimwe zvaanoita zvinomuwanisa mari ngaangotigovanisa nekuti nezera rangu handichina zvandingagone kuita kuti ndirarame. Ndakakuvara musana negumbo nekurohwa naiye uye mazino mukanwa hamuna kwete nekukura asi nekurohwa, saka wakandiremadza.”

Mutongi T Nyatsanza akagura kuti Josiah amire kubhadhara mari iyi sezvo asisashande kusvikira Florence aunza umboo kudare hunoratidza kuti ane zvimwe zvaanoita.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×