ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura  

MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura mhepo.

Nyaya iyi, iyo inoita sebhaisikopo kana kuri firimu, yakatotongwa mudare raMambo Makoni nguva pfupi yadarika apo Tarisai Ziki wemubhuku raRugoyi aipomera Josiah Musukutwa, uyo anova eridha kuZCC, mhosva yeupombwe uye kuparadza musha wake zvichitevera kudanana kwaakaita nemudzimai wake,  Rudo Nyahasha.

Ziki, uyo anoshanda paRugoyi Rural Hospital, anoti Musukutwa akatiza nemudzimai wake ndokuenda kubhuku raChakuma kuNyazura, uko vaigara vose vachipisa rudo zvisina mukare akamboona.

Ziki akaudza dare kuti anoda kuripwa nemombe shanu, achiti Musukutwa akanga aparadza wanano yake yemakore makumi maviri nematatu.

Anoenderera mberi achiti Musukutwa nemudzimai wake vaienda zvakare vachinosasana kune rimwe gomo rinoyera iro rinozivikanwa senzvimbo inovigwa vatungamiriri vechivanhu vemudunhu iri kwaMakoni.

“Musi wa12 Kubvumbi, kudanana kwemudzimai wangu naMusukutwa kwakafumurwa nemukadzi waMusukutwa. Ndakaenda kwaaive (Musukutwa) tikawirirana kuti nyaya iyi yaizogadziriswa. Mangwana acho, ndakaenda kwaRusape kunotora mari yangu, pandakadzoka ndakaona kuti Musukutwa nemudzimai wangu vakanga vatsakatika kumusha kwaRugoyi.

“Ndakaedza kufonera mudzimai wangu, asi mudzimai waMusukutwa akanga atomutorera nhare yake kare. Ndakazonzwa kuti vaviri ava vaigara mubhuku raChakuma kuNyazura, kunyange zvazvo ndakanga ndisingazive kwavaiva,” anodaro Ziki.

Anoti Musukutwa anogara kwaRugoyi nekuda kwekuti mudzimai wake anoshandira munzvimbo iyi ari mukuru wezvekurima.

“Musukutwa haashandi, ndieridha wechechi yeZCC inonamata mudzimai wangu, tine vana vatatu tose. Akaparadza mhuri yangu akashandura hupenyu hwangu, ndinotova nemukuwasha,” anodaro Ziki.

Nyahasha akabvuma kuti akadanana naMutsukutwa, ndokuratidza kuzvidemba. Akaudza dare kuti zvinhu hazvina kuzombomira zvakanaka mushure mekunge hupombwe hwavo hwabuda pachena.

Anoti zvichitevera kubuda pachena kwakaita nyaya iyi, Musukutwa akazomunyengetedza kuti vatize vachienda kwaRugoyi ndokuenda mubhuku raChakuma uko vakanogara pamba paive padongo.

“Takagara pamusha paMusukutwa kwaChakuma, chokwadi handizivi kuti chii chakaitika kwandiri. Handina kumbobvira ndafunga kumutizira asi mushure mekunge nyaya iyi yafumuka, mudzimai wake aindirwisa uye akanditorera nharembozha yangu,” anodaro Nyahasha.

“Musukutwa akandiudza kuti ‘yatova mhosva iyi’ uye kuti taifanira kutiza tichienda kwaRugoyi.”

Sekutaura kwaNyahasha, akazotanga kuona kwedzama kwenyaya iyi apo gure rekudanana kwake naMusukutwa rakange rafumuka.

“Pakapera mwedzi, ndakadzokera kumba ndiine vanin’ina vangu ndokukumbira ruregerero kumurume wangu asi akaramba kundiregerera, akazozivisa hanzvadzi dzangu kuti akanga andidzinga pamusha,” anodaro.

Nyahasha anoti mushure mekurambwa nemurume wake, akadzokera kubhuku raChakuma ndokugara naMusukutwa mumwe mwedzi asati afunga kuti anoda kudzokerana nemhuri yake.

“Nekufamba kwenguva, ndakaramba ndichifunga nezvevana vandakanga ndasiya, ndakatumira murume wangu meseji ndichibvunza nezvavo. Akandiudza kuti vairarama zvakanaka uye akandibvunza kuti sei ndakanga ndisiri kuuya kuzovaona,” anodaro.

Nyahasha anoti Musukutwa akazomupa mari yekufambisa kuti adzokere kumba kwake kune vana nemurume.

Mushure mekunge ave neruzivo nemagariro aiita Nyahasha ayo akange asina kunaka, Ziki anonzi akazomupa mari yekuti anotora zvinhu zvake kubhuku raChakuma.

“Ndakaunganidza zvinhu zvangu ndokuenda nazvo kumusha kwevabereki vangu kuWedza. Parizvino ndakadzokera kuRugoyi uye ndiri kugara nemurume wangu,” anodaro.

Mashoko ake akasiya vanhu vakawanda vaive mudare iri vaoma mate mukanwa, zvikuru Mambo Makoni avo vakabvunza Nyahasha kuti akanga achiri kuda here kuramba ari mudzimai waZiki.

“Ndinoda kuti tiwirirane kana tanzwisisana zvakare, zvisinei hazvo, chisungo chinobva kune murume wangu, ndinoda kugara nevana vangu asi kana akandiramba ndinodzokera kuWedza,” anodaro.

“Ndauya kudare rino ndichibva kumba kwemurume wangu uye tichiri kusasana pabonde zvakare,” anodaro.

Ziki akaudza dare kuti mushure memazuva maviri Nyahasha atizira kuna Musukutwa, mwanasikana wavo ane makore 23 okuberekwa akaroorwa asipo izvo zvakazoita kuti atsvage mumwe mukadzi akatora chinzvimbo chaamai.

Zvisinei, anoti akazvipira kudzokerana naNyahasha nekuda kwevana vavo vatatu.

“Ndiye akanditumira meseji yekufara yeFather’s Day. Akakumbira kuuya kuzoona vana ndikamuudza kuti atsvage mari yebhazi. Ndakaramba kumupa nekuti zvaizoita sekunge ndiri kutora mukadzi wemunhu. “Tikataurirana hazvina kushata, tinokwanisa kuzogara tese. Nguva yakatizira mukadzi wangu kuna Musukutwa ndiyo nguva yairoorwa mwanasikana wedu. Takatozotsvaga mumwe munhu akamira saamai vake,” anodaro Ziki.

Mambo Makoni, mushure mekuzeya nyaya iyi, vakawana Musukutwa aine mhosva yehupombwe ndokuti aripe Ziki nemombe shanu.

Nekuzvidza kwaakaita dare iri sezvo asina kuuya paitongwa mhosva yake, akaripiswa mbudzi nhatu uye ndokunzi abhadhare US$260.

“Musukutwa akaziviswa zviri pamutemo kuti auye pamberi pedare rino, asi akasarudza kurega kuuya nemaune. Awanikwa aine mhosva yeupombwe iyo inowedzerwa hudzamu hwayo nekuda kwemamiriro ezvinhu. Zvisinei, humbowo hwaunzwa mudare rino hunoratidza kuti haana mari yefaindi yekubhadhara; zvinoita sekunge chinhu chimwe chete chaainacho isikarudzi yake chete. Ziki nemudzimai wake vava kugara vese zvakare, uye vanofanira kurarama murunyararo semurume nemudzimai. Rudo rwuchiripo pakati pavo. Rudo rwekubiridzira runonaka, asi rune nguva yarunopera. Rudo ava kuziva zvakanaka nezvakaipa, uye tinovimba kuti akadzidza chidzidzo chake,” vanodaro Mambo Makoni.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×