Kingstone Mapupu
CHEMBERE ine makore 80 okuberekwa yekwaMurehwa, iyo inobva kunyika yeMozambique, yave kugara musango semhuka zvichitevera kunangwa huroyi nevana vayo izvo zvakonzera kuti isachengetwe.
Mbuya Venna Bobo Kanyemba havana chaipo pekugara sezvo vanongodzungaira nenyika.
Vakaita vana vatanhatu, vaviri vavo vachibva vazoshaika ndokusara nevana (4).
Pavana vasara ava, vaviri vavo vari kunanga amai vavo huroyi uye vanonzi havatombodi kuvaona.
Pari zvino, Mbuya Kanyemba vakafonopihwa kadumba kekugara musango pamasowe peimwe chechi kwaMurehwa kwakare.
Vari kugara vachinaiwa sezvo chimusososo chehuswa chavakanzi vagare chichijuja mvura.
Vanoti vakabva kuMozambique ndokusvikosanganawo nemurume wavo aibvawo kuMalawi.
Mbuya Kanyemba vanoti ivo nemurume wavo vakazotanga kushanda mumayadhi nemumapurazi kusvikira mugore ra1980 apo varungu vavo vakabva vabuda kuenda kunze kwenyika.
“Murume wangu akazoshaika tisina musha ndokutangawo kungofamba tichitsvaga mabasa mumapurazi. Ndakazosekwa nenyika apo vana vangu vaviri vakashaika ndokusara nevana vanoti vasikana vatatu nemukomana mumwe chete. Vaviri vacho vanoti musikana mukuru ari kuSouth
Africa nemukomana anoshanda kuMbare havadi kundiona, vanonditi ndiri muroyi,” vanodaro Mbuya Kanyemba.
Vanoti mumwe mwanasikana wavo akaroorwa kwakare kwaMurehwa uye hapana chaanowana kuti avabatsirewo.
Vanofamba nemumwe mwanasikana wavo uyo anotoraramawo nekupemha.
“Kumusha kwaamai vangu ndekwaMadzorera kwaZvimba uko ndakamboenda kuti ndinobatsirwa nanasekuru asi hakuna chakabuda, vakatadza kundipa pekuvakira musha, kusvika ndava kungofamba nenyika,” vanodaro Mbuya Kanyemba.
Vanoti murume wavo ainzi Vasco Nyoni, uyo akashaika mugore ra2010, akasiya asina kuvavakira musha.
“Vana vangu vaviri vanonditi ndiri muroyi kana kundipa mari havadi kana chimwe chinhu zvacho, vanoti ndine zvikwambo. Vamwe vaviri vasinawo chavanowana ndivo vanondida. Pane vana vemunin’ina wangu vaviri vanondinangawo huroyi zvakare,” vanodaro Mbuya Kanyemba.
Vanoti vakazobatsirwa nevamwe vanamati vechechi ndokupihwa pekugara pamasowe.
“Ndiri kugara pano pamasowe asi imba yacho inozara mvura mukati, mbatya dzangu nemagumbeze zvinozara mvura. Muviri wangu wava kugara uchirwadza nekuda kwehunyoro uhwu,” vanodaro Mbuya Kanyemba.
Vanoti chishuwo kuti kudai vawana nzvimbo yekuvakira imba kuitira kuti vagozofirawo pakanaka.
Jane Nyoni (40), uyo anofamba naamai vake, anoti zvinovashamisa kuti vamwe vake vanoti amai vavo muroyi.
“Kunyange vamwe vana vachiti amai muroyi, ini ndinoramba ndiinavo. Kwatinofamba, nyaya yekuti amai vakaromba inotaurwa asi ini ndinozviramba. Ini zvakare ndinonziwo ndinobatsirana naamai kuroya,” anodaro Nyoni.
Anoti ari kugara naamai vake pasowe apa vachitsvaga kubatsirwa nevanhu vane tsiyo nyoro kuti vawane pekugara pakanaka.
Mai Stella Nyoni (49) vanova mumwe wevana vaMbuya Kanyemba, avo vakaroorwa, vanoti havana chavanogona kubatsira amai vavo nacho sezvo murume wavo asingashande zvakare.
“Ndikanoitawo maricho kuvanhu ndinouya ndichipawo amai vangu nemunin’ina wangu zvishoma zvandinowana. Nyaya yekuti vamwe vedu vanonanga amai huroyi tinoiziva asi hapana zvatinogona kuita. Vaviri ava vanoti amai vane zvikwambo ndivo vanowana asi havadi kuona amai,” vanodaro.
Vanotenda varidzi vesowe iri nekumbopa amai nemunin’ina wavo pekugara.
“Dambudziko rakawedzerwa nekuti mumba medu hatina kuenda kuchikoro zvakanaka, vazhinji vakagumira Grade 7 uye mumwechete ndiye akasvika Form 4,” vanodaro Mai Stella Nyoni.
Mai Janet Tsakurani (44), avo vanozivikanwa nekunzi Madzimai Beaulla, vanove mukuru wesowe reEndby uye vari vechechi yeNyenyedzi Nomwe, vanoti vakapa ambuya ava pekufanogara vavaona vachidzungaira nemwanasikana wavo.
“Ndinavo pano kusvika zvanaka vawana kwekuenda,” vanodaro Madzimai Beaulla.



