Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akasunga vanhu vatatu nemhosva yekuba tambo dzemagetsi, mumwe chete wavo achibva atongerwa kugara mujeri kwemakore gumi.
Fungai Craig Mangwiro (35) akazvuzvurudzirwa kuMbare Magistrates’ Court, muHarare, nokuda kwekuba tambo dzemagetsi, izvo zvakaita kuti apihwe makore gumi ekugara mujeri.
Mangwiro akamira pamberi pemutongi Brighton Dokera, apo muchuchisi aiva Mashaka Taona.
Mutauriri wechikamu chematikitivha cheCriminal Investigation Department (CID) Detective Inspector Rachel Muteweri vanoti murume uyu akasungwa nomusi wa25 Gunyana mugore rino ra2026 neveCID Minerals, Flora and Fauna Unit (MFFU,) muHarare, mushure merunyerekupe rwakasvika kumapurisa rwokuti aiva netambo dzemagetsi.
Mapurisa, achishandisa mashoko aya, anonzi akaenda kuSoutherton, uko akanowana Mangwiro akatakura saga jena, iro rakabva ravhurwa, ndokuwanikwa riine waya dzemhangura dzakareba mamita 500.
Mukufeewa kwenyaya iyi, murume uyu akazotungamirira mapurisa panosangana migwagwa Lyndo Moore naBoyd kuSoutherton, uko kwakaonekwa kuti ndiko kwakanga kwabiwa tambo idzi.
Zvakadai, Malcon Rome Zelph naChristopher Williams, vose vanobva kuArcadia, muHarare, vakasungwawo nemhosva yakafanana, yekuba tambo dzemagetsi mumugwagwa Paget kuLower Hillside, muHarare.
Vanonzi vakasungwa mushure mokunge voruzhinji vaona zvavaiita, vachibva vazivisa mapurisa.
Mapurisa echikamu cheCID MFFU emuHarare akabva amhanyira kunzvimbo yaiva nevaviri ava, achibva asunga Zelph, ndokuwana bhegi raiva rizere tambo dzemagetsi dzaiva dzakareba mamita 105. Zelph akazonongedzawo Williams, akati vaiba vose.
Vaviri ava vakazomiswa muEpworth Magistrates’ Court, ndokuchengetedzwa mukati, vachimirira kudzokera zvakare mudare rimwe chete iri, vachikurudzirwa kunyorera kupihwa bhero.
Zvakadai, Det Insp Muteweri vakatenda voruzhinji nekuzvipira kwavo kufumura makoronyera anopara mhosva dzakatsaukana-tsaukana nekurwisa kuparwa kwemhosva munyika.
Vanoti maitiro akadai anoita kuti mapurisa akurumidze kumhanyira kunzvimbo dzinoparwa mhosva idzi, vanhu vosungwa uye vagari venzvimbo vogara murudekaro, pasina kutya.