KUPINDA mumatare edzimhosva, zvikuru uri munhukadzi, panyaya dzekumbunyikidzwa nenzira yechibharo kunogona kunetsa zvikuru. Kukundikana kunzwisisa maringe nezvinenge zviri kutaurwa nemumhan’ari kunorwadza zvikuru nekushungurudza.Zvimwe zvezvinobvunzwa vamhan’ari zvinogona kunge zvisimo mumutemo.
Chinhu chakakosha kuziva ndechekuti muchuchisi ndiye “gweta” remumhan’ari.
Kakawanda apo mahofisi anozara nevamhan’ari vechikadzi vachida kutsvaga magweta mushure mekuona kuti musungwa anenge aine gweta rake.
Bumbiro remutemo rinoti musungwa ane kodzero yekutsvaga gweta kuti ange achizvisunungura kubva kumhosva yaanenge ari kupomerwa.
Nekune rumwe rutivi, “gweta” remumhan’ari muchuchisi anenge achimumiririra mudare kuti mhosva yaari kupomera mumhan’ari ibude pachena.
Rimwe basa remuchuchisi ndere kubvunzurudza mumhan’ari nenguva kuti asunungure pfungwa dzake uye kumutaurira nezvemazuva ekupinda mudare.
Hapana chikonzero chinotadzisa nyaya kuenderera mberi chero muchuchisi aenda kuzororo nekuti nyaya inongopihwa mumwe muchuchisi yopedziswa.
Mumwe muchichisi anokwanisa kuenderera mberi nenyaya kana akaitanga aenda kuzororo.
Nekuda kwekuti bonde chinhu chinoitirwa pakahwanda uye chinonyadzisa kudura, tinogona kuona kuti vamhan’ari vazhinji vanokundikana kutsanangura zvose zvinenge zvaitika kwavari kudare rizere vanhu.
Kana iri nyaya yechibharo ine chekuita nevana, dare rinogona kuita kuti veruzhinji vange vasimo nekuti mumhan’ari anogona kuvhiringwa nehuwandu hwevanhu vanenge vakamutarisa.
Zvakare vamwe vamhan’ari vechikadzi vanogona kunyara kupa umbowo huzere maringe nemaparirwo akaitwa mhosva kana kudura zvimwe zvinhu sezvazviri nekuti vanenge vachifunga kuti hazvikodzeri kuti zvinge zvichitaurwa nekuda kwenyaya dzetsika nemagariro.
Muchuchisi anofanira kuziva zvigozhero zvinogona kusanganikwa nazvo nemumhan’ari kana achinge amanikidzwa kupa umboo mudare muzere vanhu. Muchuchisi anogona kuita kuti dare ringe risina veruzhinji kunze kwegweta remusungwa.
Pamwe pacho mwana anogona kunge asingazive zvinodiwa nedare nekudaro anokundikana kutsanangudza zvizere saka dare rinogona kushandisa mipande yeVictim Friendly Court kuti mwana ange achitaura ari mune imwe kamuri pachishandiswa kamera inoendesa zvose mudare zvakaita seterevhizheni inenge iri mudare.
Mumhan’ari anopihwa chidhori chaanoshandisa mukutsanangura kumbunyikidzwa kwaanenge akaitwa.
Mupurisa akadzidziswa basa iri anenge ari mukamuri imomo achimupa mibvunzo inobva kumusungwa kuti ange achiinzwisisa.
Mutemo weCriminal Procedure and Evidence Act unoti mumhan’ari anenge ambunyikidzwa nenzira yepabonde haafaniri kunge achibuditswa pachena zita rake kune veruzhinji pangave paredhiyo, terevhizheni kana mumapepanhau pasina mvumo inobva kumatare edzimhosva. Vanoita izvi vanobatwa nemhosva.
Kakawanda kwazvo apo vedzimhuri vanovanza nyaya dzechibharo vachishandisa nyaya dzekuripirana senzira yekuvanzurudza kuparwa kwemhosva.
Izvi zvinoita kuti mumhan’ari ange achirasikirwa neumboo uye imhosva huru kuita izvi. Mutemo weCriminal Procedure and Evidence Act unotsanangura kuti mumhan’ari anogona kuti ange achiripirwa nemusungwa kudare reCivil Court kunyangwe dare ramuchenura kana kuti asina kubatwa nemhosva.
Vanobatwa nemhosva yekubata chibharo vanofanira kurangwa zvakasimba.
. Chinyorwa chino chakabva kuna Fadzai Doreen Mutavayi (Legal Officer – Access To Justice Department).
Kana muine mubvunzo kana zvimwe zvamungade kuziva tumirai padandemutande rinoti: [email protected] <mailto:[email protected]> kana panhamba dzeWhatsApp dzinoti 0777 828 201, tinokubatsirai.
Panyaya dzemhirizhonga tifonerei panhamba dzinoti 08080131: hotlines 0776 736 873 kana 0782 900 900.



