Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations.
Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa kuMorocco sezvo Sierra Leone isina nhandare inosvika padanho rinotenderwa neFIFA uye CAF kuti igotambirwa mitambo mikuru yakaita seiyi.
Uyu uchange uri mutambo wokutanga maWarriors achirairidzwa naRamon Catala, uye chizvarwa chekuSpain ichi chakadoma chikwata chakasimba chine vatambi vanosanganisira Marvelous Nakamba; Marshall Munetsi; Tawanda Maswanhise; Thandolwenkosi Ngwenya, uyo ari kupisa kuSouth Africa; naTino Kadewere.
Zvakare uyu uchange uri mutambo wokutanga zvikwata zviviri izvi zvichisangana munhabvu.
Zvikwata zviviri izvi zviri muboka rimwe chete (Group E) rine zvimwe zvikwata zvinoti Equatorial Guinea neDemocratic Republic of Congo (DRC).
MaWarriors achipedza kutatsurana nemaLeone Stars ari kubva adzoka kumusha kuzosangana neDRC musi weMuvhuro svondo rinotevera mumutambo uchatambirwa kuNational Sports Stadium (NSS), muHarare.
Uyu uchange uri mutambo wokutanga chikwata chenyika chichitambira muno zvichitevera kupasiswa kwakaitwa NSS neCAF.
Vatsigiri venhabvu vakawanda vakagamuchira danho iri, vazhinji vachiti zvinhu zvinofadza kuona chikwata chavo chadzoka, chave kutambira pamusha wacho.
Mutsigiri mukuru wenhabvu munyika Adomsi Mukwasi akati akatarisira kuona chikwata chenyika chichitambira pamberi pevatsigiri vacho.
“Uyu ndiwo wanga uri munamato wedu sevatsigiri venhabvu kwenguva refu kuti tione chikwata chedu chichitambira muno.
“Zvakakosha zvikuru kuti chikwata chitambire mitambo yacho munyika yacho nokuti vatsigiri vanouya vakawanda, ende ipapo vatambi vanonzwa manyukunyuku ekutamba zvine mutsindo.
“Tiri kunzwa kufara zvikuru,” akadaro Mukwasi.




