Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu.
MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International (ODI) series nemitatu yeTwenty20 International series.
Sangano reZimbabwe Cricket (ZC) svondo rino rakaburitsa mazita echikwata chemaLady Chevrons chichabandana neWest Indies mumitambo iyi, iyo iri kutanga nhasi.
Chinyorwa chakabva kuZC chakazivisa kuti Josephine Nkomo ndiye achange ari mutungamiri wevatambi (captain) pamitambo iyi uye vamwe vatambi vari muchikwata ichi ndevanoti Nomvelo Sibanda, Chipo Mugeri-Tiripano, Modester Mupachikwa naSharne Mayers, vanove vaivewo muchikwata chemaLady Chevrons chakasangana necheSouth Africa mumitambo yeT20 nguva pfupi yadarika.
Mitambo yeODI yemaLady Chevrons neWest Indies ichatambirwa kuHarare Sports Club uye iri kutambwa mumazuva anoti 24 (nhasi), 27 na30 Gunyana.
Mitambo yeODI iyi iri kutambwa iri pasi peICC Women’s Championship.
Mitambo yeT20 ichatanga musi wa3 Gumiguru uye imwe yacho ichatambwa musi wa5 na7. Mitambo yacho ichatambirwa kuTakashinga Cricket Club, kuHighfield, muHarare.
Kuuya kweWest Indies kunotevera mitambo yemaLady Chevrons, ayo akaenda kuNew Zealand nePakistan kunotamba nezvikwata zveko mumitambo yeICC Women’s Championship.
Chikwata cheZimbabwe Women chichasangana neWest Indies mumitambo yeODI neT20I
Josephine Nkomo (captain), Beloved Biza, Chiedza Dhururu, Chipo Mugeri-Tiripano, Christina Mutasa, Kelis Ndhlovu, Loryn Phiri, Michelle Mavunga, Modester Mupachikwa, Nomvelo Sibanda, Nyasha Gwanzura, Olinder Chare, Sharne Mayers, Tendai Makusha, Kudzai Chigora (MaODI chete), Francisca Chipare (MaT20I chete)




